Pfizer Inopiwa Rezenisi Rizere reNhomba yeCovid-19 Yainogadzira

Mushonga wenhomba yeCovid-19 unogadzirwa nePfizer

Bazi rinoona nezvekushandiswa kwemishonga, reFood And Drug Administration, rakapa neChipiri kambani yePfizer mvumo izere yekushandiswa kwemushonga wayo wenhomba yeCovid-19.

Mushonga uyu ndiwo mushonga wenhomba yeCovid-19 wekutanga kuongororwa nekupiwa rezenisi rekuti ushandiswe pavanhu.

Mushonga uyu wave nenguva uchishandiswa pavanhu pasi pose mushure mekupiwa mvumo yechimbichimbi yekuti ushandiswe kubva kutanga kwaZvita gore rapfuura.

Rezenisi rakapiwa Pfizer richaita kuti zvive nyore kuti vashandirwi, mauto nezvikoro zvepamusoro zvidzike mirairo yekuti vanhu, vashandi nevadzidzi vavo vatange vabaiwa nhomba yeCovis-19 vasati vapinda munzvimbo dzemakambani kana zvikoro izvi.

Rezenisi iri rinotarisirwawo kubatsira mukupa chido chekubayiwa nhomba kuvanhu vanga vachizeza kubyaiwa nhomba yeCovid-19 sezvo hurumende yataura kuti yakaongorra mushonga uyu ikagutsikana nawo.

Kubva muna Zvita wegore rakapfuura, mushonga uyu wanga uchishandiswa pasi pemvumo yechimbichimbi.

Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vaudza Studio 7 kuti nhomba yePfizer ndiyo iri kunyanya kushandiswa nevanhu kupfuura imwe yose, vachiti pari zvino mushonga uyu washandiswa nevanhu vanoita zvikamu makumi mashanu nezvitanhatu kubva muzana zvevanhu vari kubayiwa nhomba yeCovid-19.

Kusvika musi weSvondo yapfuura iyi, vanhu vakuru muAmerica vanoita zvikamu makumi manomwe nezvitatu kubva muzana (73%) vanga vabayiwa nhomba yeCovid-19 yekutanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Frenk Guni