Chando Chovhiringa Vanhu Zana neMakumi Mashanu eMamiriyoni muAmerica

Motikari iyi yakaputirwa nechando mudunhu reNew Jersey

Vanhu vanopfuura mamiriyoni zana nemakumi mashanu muAmerica vari mukati mechando chisati chamboonekwa munzvimbo dzeAmerica idzi kubva kumahombekombe egungwa reGulf of Mexico kusvika kumuganhu neCanada.

Chando ichi chinonzi chauraya vanhu gumi nevanomwe mu America uye chiri kunyanya kubata matunhu ekuchamhembe kweAmerica zvichikwidza kumusoro uye nechapakati penyika.

Dunhu reTexas ndiro rinonzi riri kunyanya kuvhiringwa nechando chinonzi chiri kukonzera tsaona dzakawanda mumigwagwa.

Vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti chando chiri mudunhu reTexas hachisati chamboitika kwemakore makumi matatu nemaviri, vachiti panhandare yendege, yeHouston Intercontinental Airport, pari kutonhora zvisingaiti.

Vanoona nezvemagetsi vanoti chando ichi chakatonhora zvekuvhiringa michina inogaya izvo zviri kupa kuti magetsi mashoma shoma awanikwe. Vanhu vanoita mamiriyoni mana vakavhiringwa nechando ichi uye mamiriyoni maviri nechidimbu havana magetsi mudzimba dzavo.

Chizvarwa cheZimbabwe, VaPromise Sande, avo vanogara kuSouth Carolina, vanoti chando ichi chiri kufamba chakananga kumaodzanemba nekumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAmerica uko chiri kukonzera matambudziko makuru kuvanhu vari mumatunhu aya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Sande