Vana Vadiki Vari Kubatwa neCovid-19 Voramba Vachiwanda muAmerica

  • Jonga Kandemiiri

Sangano ravanachiremba vevana vadiki muAmerica re American Academy of Pediatrics, rinoti huwandu hwevana vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 muAmerica hwakakwira kwesvondo yepiri mushure mekunge vana vanodarika zviuru makumi matanhatu nezvina vakawanikwa vaine chirwere ichi svondo rapera.

Kusvika musi wa 25 Kurume 2021, vana vanosvika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mana (3.4 million) muAmerica vanonzi vakawanga vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Asi zvinonzi mishonga inokwanisa kurapa vana iri kuongororwa mashandiro awo kuitira kuti vana vatangewo kuchibaiwa nhomba sezviri kuitwa vanhu vakuru.

Chiremba vari chizvarwa cheZimbabwe chiri kuNorth Carolina muno muAmerica, Doctor Simbiso Ranga, vanoti hazvishamise kuti huwandu hwevana kana vanhu vakuru vanowanikwa vaine chirwere cheCovid-19 hunokwira pose panovhurwa bandiko rezvehupfumi, zvakaita semabhizimusi nenzvimbo dzekutandarira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Simbiso Ranga