VaBill Gates naAmai Melinda Gates Vazivisa Kuti Vagura Muchato Wavo

VaBill Gates naAmai Melinda Gates

Muzvinabhizimisi, VaBill Gates, nemudzimai wavo, Amai Melinda Gates, nezuro, Muvhuro, vakazivisa nezvekupera kwe muchato wavo, mushure memakore makumi maviri nemanomwe vari vose.

VaBill Gates vanozivikanwa semunhu akavamba kambani ye Microsoft, zvichinzi nemusi we Chishanu chapfuura ichi, vange vachikosha mabhirioni zana nemakumi matatu ne manomwe emadhora eku America (US $137b).

Parizvino, VaGates vanonzi ndivo mupfumi wechina pavanhu vose pasi pose.

Vachinyora pa Twitter pavo, Baba naAmai Gates vati vanokumbira kuti vapiwe nguva yekugadzirisa zvinhu mumba mavo murunyararo.

VaBill Gates, avo vane makore makumi matanhatu nemashanu (65) vakachata na Amai Melinda Gates, avo vane makore makumi mashanu nematanhatu (56) mugore ra1994 uye vane vana vatatu.

Vaviri ava vanozivikanwavo nezve sangano ravakaumba, reBill & Melinda Gates Foundation, iro rinobatsira vanhu paso pose, zvikuru sei munyaya dzezvehutano kuti vanhu vawane mishonga, uye mukudzivirira kufararira kwezvirwere zvakawanda.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi pa Devry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti Baba na Amai Gates vange vari vanhu vanotarisirwa pamusoro zvikuru zvekuti kuputsika kwe muchato wavo kuchagumbura vanhu vazhinji pasi pose.

Vati mabasa ose avakatanga achaenderera mberi kunyange hazvo muchato wavo wapera.

Vanoti umwe nomumwe pahuviri hwavo munhu ange achiita zve mabhizimisi, achiita mari pachake.

Muzvinafundo Masocha vanoti hapana chati charatidza kuti kurambana kwevaviri ava kune chekuita nezvehupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha