VaJoe Biden Vanodoma Chikwata Chavo Chichaona Nezvekufambiswa Kwemashoko

VaJoe Biden

Vakasarudzwa kuve mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nezuro vakadoma chikwata chevanhukadzi vegavega kuve vakuru vehofisi yezvekubudiswa nekufambiswa kwemashoko mumuzinda we White House pavanotanga kutonga musi wa 20 Ndira gore rinouya.

Zvaitwa naVaBiden izvi, ndizvo zvekutanga muzinda we White House uchiita chikwata chevanhukadzi vega vanoona nezve kufambiswa kwemashoko mumuzinda uyu.

Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti vanoona VaBiden vachichinja vamwe vevanhu vavadoma, vachiti vanoona sezvisina kumira zvakanaka mumaziso evanhu.

Vanoti vamwe vakashanda zvikuru mazuva vaBiden vachitsvaka rutsigiro vaiswa pasi pevanhu vakange vasingaiti basa rakawanda.

Muzvinafundo Masocha vanoti vanoonazve nyaya yerusarura pakati pevanhukadzi nevanhurume ichitanga kutaurwa, vachiti mazuva mashoma ari kuuya acharatidza zvinofungwa nevanhu pamusoro penyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha

Nezuro kwekare, VaBiden vakaendeswa kuchipatara mushure mekukuvara gumbo ravo pavakange vachitamba neimbwa yavo pamba pavo, mudunhu reDelaware.

VaBiden, avo vane makore makumi manomwe nemasere, vakaonekwa nanachiremba avo vakati pakange pasina mapfupa akatyoka kana kutsemuka mugumbo ravo, asi vakati VaBiden vachashandisa shangu inobatsira kutsigisa gumbo ravo.