Amai Mujuru Vokurudzira Kutsigirwa kweZimAsset paKuvigwa kwaVaZingoni

  • Thomas Chiripasi

Amai Joice Mujuru

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vakurudzira neChitatu zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvitambire gwaro idzva rehurumende rekuvandudzwa kwehupfumi hwenyika.

Gwaro iri rinonzi Zimbabwe Agenda for Socio-Economic Transformation, Zimasset, uye riri kushorwa nevashandi, mapato anopikisa pamwe nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

Vachitaura pakuvigwa kwevaimbove mukuru mukuru muchiuto, Va John Zingoni, pamarinda anovigwa magamba enyika pa Heroes Acre, vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vati vane tarisiro yekuti hupfumi hwenyika huchasimukira munguva pfupi iri kutevera kana ruzhinji rwe Zimbabwe rwukatambira chirongwa che Zimasset pakatarisirwa goho remwaka uno.

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vakapa Brigadier General Zingoni ruremekedzo rwegamba pachezvavo vari ku Singapore kwavari kurapwa, vatadza kuvepo pakuradzikwa kwemufi sezvo vasati vadzoka munyika.

Va Mugabe vanga vakatarisirwa kudzoka munyika neChipiri manheru kana Chitatu mangwanani asi pataenda pamhepo vanga vasati vadzoka.

Chirongwa chehurumende chekuvandudza hupfumi hwenyika che Zimasset ichi chiri kushorwa zvikuru nevashandi vemunyika, mapato anopikisana nebato riri kutonga re Zanu PF pamwe nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachiti hamuna chirimo mugwaro iri chingaita kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Mumwe mukuru muhofisi yegurukota rezvevashandi, Va Nicholas Goche, Va Peter Mufuratirwa, vakasvereredzwa nevashandi pakucherechedzwa kwezuva revashandi pakutanga kwemwedzi uno mushure mekunge vati chirongwa ichi chakatarisirwa kusimbaradza hupfumi hwenyika uhwo hunonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi hwakaenda kumawere pakatangwa chirongwa chehurumende chekuogovera vanhu vatema ivhu patsva.

Zvisinei netsoropodzo iyi, Amai Mujuru vati zvakakosha kuti zvizvarwa zve Zimbabwe zvishande zvakasimba kuitira kuti chirongwa ichi chibudirire.

Panyaya yekufa kwakaita Va Zingoni neChishanu svondo rapera, Amai Mujuru vati chiri kurwadza ndechekuti vazhinji vevakarwa muhondo yerusunguko vari kuenda kwamupfiganebwe.

Ataura akamirira mhuri yemushakabvu, Va Kenny Zingoni, vanove munin'ina wemufi, vati varwadziwa zvikuru nekushaika kwemukoma wavo avo vange vari mumwe wevakuru muchiuto kana kuti brigadier general.

Brigadier General Zingoni vakaberekwa musi wa 27 Nyamavhuvhu muna 1954 vakasiya basa mubazi rezvehutano muna 1976 vave kuenda ku Mozambique kunobatana nevamwe varwiri vehondo yerusunguko.

Mushure mehondo, mushakabvu akaenderera mberi nezvidzidzo zvemuchiuto ku Korea pamwe neku Nigeria ndokuzoita zvigaro zvakawanda muchiuto kuzosvika vashaika neChishanu vave brigadier general.

Vakavewo zvakare mutungamiri anowona nezvemafambisirwo ezvinhu kumuzinda we SADC Taskforce ku Kinshasa ku DRC.

VaZingoni, avo vanonzi vakarwara kwenguva pfupi nechirwere chemoyo, vasiya mudzimai, Wadzanai, nevana vatatu vanoti Fungai, Chido na Tapiwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi