HARARE —
Veruzhinji vanochengetera mari dzavo mubhanga re Allied Bank varatidza kusafara kwavo neMuvhuro nekunyimwa kwavari kuita mari dzavo nebhanga iri ndokukonzera mhirizhonga pabhanga iri riri pana Jason Moyo na Third Street mu Harare.
Kubudikidza nehasha dzekufambira dhongi rakawora, chita chevanhu vanga vari mubhanga iri chazvindikita mumwe mukuru-mukuru webhanga iri ndokupwanya mahwindo ebhanga iri zvazokonzera kuti bhanga iri rivharwe pamwe nekushevedzwa kwemapurisa anorwisana nemvongamupopoto ayo aswera akachengetedza bhanga iri muswere wese.
Vanhu ava vanga vachigunun’una kuti bhanga iri riri kuvapa mari shoma isingaenderane nezvavanenge vachida kushandisa mari iyi.
Mumwe anochengetera mari mubhanga iri uye ari mushandi wehurumende, Va Kenneth Nzarayebani, vanoti chavarwadza ndechekuti vakwanisa kuwana madhora makumi mashanu chete pamari yavo yepamwedzi inopindira mubhanga iri.
Mumwewo anochengetera mari munhanga iri asina kudomwa nezita ati kushayikwa kuri kuita mari mumabhanga kungangokonzera kuti hurumende idzose dhora remu Zimbabwe iro rakaregedza kushandiswa muna 2009.
Sachigaro webhodhi re Allied Bank, Va Farai Mutamangira, vanoti havana zvizhinji zvekutaura sezvo vari kunze kwenyika.
Hatinawo zvakare kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, Va Obert Mpofu, avo vanove mumwe wevaridzi vebhanga iri kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi asati atura mashoko awo kune veruzhinji.
Zvichakadai, mutungamiri wesangano rinorwisana nehuori munyika, re Coalition Against Corruption, Va Terry Mutsvanga, vati chinodikanwa ndechekuti vemabhanga vabude pachena nemabatiro avari kuita mari dzeveruzhinji.
Zvichakadai, Va Chinamasa vanoti vachaparura bhajeti ra 2014 musi we China. Va Chinamasa vakanonoka kuparura bhajeti iri, iro rinowanzoparurwa muna Mbudzi gore-rega vachiti vaida kunyatsorikwenenzvera kuti rinangane nekugadzirisa nyaya dzinobata magariro everuzhinji.
Kupwanywa kwemahwindo ebhanga re Allied Bank kunouyawo apo veruzhinji vanga vachichengeta mari mubhanga re Trust Bank vachishaya chokubata zvichitevera kukanzurwa kwakaitwa rezenisi rebhanga iri nebhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe.