Zimbabwe yabatana nenyika dzemu Africa mukupemberera zuva re Africa Day paine kurudziro yekuti vatungamiri venyika dzemu Africa vashande zvakasimba mukusimbaradza hupfumi hwenyika dzavo pamwe nenyaya dzekuti nyika dziri mu Africa dzive nehutongi hwekejerere.
Vaimbova gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, Va Kudakwashe Bhasikiti, vanoti kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muAfrica vatungamiri venyika dziri mu Africa havafanire kutungamidza zvido zvavo mberi.
Nhengo ye Zanu PF, Va Patrick Zhuwao, avo vanove muzukuru wemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanoti kurwiswa kwakaitwa zvizvarwa zvedzimwe nyika nezvizvarwa zvekuSouth Africa kunodzosera shure pfungwa yekubatanidza Africa yose yakanga inana Va Kwame Nkrumah nana Va Mwalimu Julius Nyerere pakaumbwa Organization of African Unity, kana kuti OAU muna 1963 iyo yavakudaidzwa kuti African Union.
Izvi zvatsinhirwawo nemutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Va Obert Gutu.
Va Zhuwao vanotiwo vanhu vanofanirwa kupihwa mukana wekufamba pasingade ma vhiza munyika dzose dziri mu Africa zvavati zvinobatsira kusimbaradza hupfumi hwenyika dziri mu Africa kubudikidza nekutengeserana.
Va Zhuwao vanoti VaMugabe vane mukana wekushandisa chigaro chavo chasachigaro we African Union kubatanidza Africa yose.
Asi Va Gutu vanoti hapana chavanotarisira kuti chichaitwa naVa Mugabe.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, Amai Charity Manyeruke, vanoti chinodikanwa ndechekuti vatungamiri venyika dzemu Africa vabatane votanga kutaura nezwi rimwe chete pavanoenda kumisangano yakasiyasiyana sezvinoitwa nevatungamiri venyika dzirimu European Union.
Tsvagiridzo yakaitwa nesangano reAfrobarometer inoti vanhu vemuAfrica vakawanda munyika makumi matatu neina, vanoda kuti vatungamiri venyika vave nematemu maviri ekutonga.
Asi vanhu vanosvika zvikamu makumi mana nezvina kubva muzana mu Algeria, ndivo vanoti vanoda kuti mutungamiri wenyika ave nematemu maviri ekutonga.
Afrobarometer inotiwo vanhu vemuZimbabwe vanosvika zvikamu makumi manomwe nezvina kubva muzana vanotsigira hurongwa hwekuti mutungamiri wenyika atonge kwematemu maviri.
VaMugabe vatonga Zimbabwe kwamakore makumi matatu nemashanu uye bato ravo rakabuda nechisungo chekuti ndivo vachamirira bato musarudzo dza 2018.
Vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2018, zvinoreva kuti vanenge votonga nyika kwemakore makumi mana nematatu, uye vanobuda muhofisi vava nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe.
African Union inoti dingindira remhemberero dzegore rino nderekusimudzirwa kwemadzimai.
Zuva reAfrica Day riri kucherechedzwa zvinhu zvisina kumira zvakanaka muAfrica. Pane kunetsana kuri kuitika muBurundi zvichitevera danho rakatorwa nemutungamiri wenyika iyi rekukwikwidza kuitira kuti vatonge kwetemu yechitatu. KuNigeria kune mhirizhonga iri kuitika ichikonzerwa nechikwata cheBoko Haram, ukuwo chikwata cheAl-Shabab chichinetsawo mudunhu reEast Africa.
Mu South Sudan zvinhu hazvina kumira zvakanaka, zvimwe chetezvo nemu Democratic Republic of Congo.
Kunetsana kuri kuitika muAfrica kunoratidza kupandukira mweya waive namuchakabvu Kwame Nkrumah namuchakabvu Julius Nyerere avo vaive neshungu dzekuona Africa yakabatana.