America Yocherechedza Makore Gumi neMapfumbamwe Yarwiswa neMatororo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zvivakwa zveTwin Towers zviri muNew York ndeimwe yenzvimbo dzakarwiswa nemagandanga musi wa11 Gunyana 2001 muAmerica.

America yacherechedza makore gumi nemapfumbamwe yarwiswa nematororo echikwata che al-Qaeda achishandisa ndege ina dzaakapamba akadonhedza mangwanani emusi waGunyana 11 mugore ra2001 munzvimbo dzakasiyanasiyana munyika.

Nekuda kwechirwere cheCovid-19, gore rino vanhu havasi kuungana sezvaisimboitika makore adarika.

Asi mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, pamwe nevari kumirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika VaJoe Biden, vashanyira munguva dzakasiyana nzvimbo yakadonhera imwe yendege idzi mudunhu rePennsylvania.

Mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaMike Pence vashanyirawo New York.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muguta reNew York zvinoti zvichiri kurangarira zvakaitika muguta iri apo vanhu vakawanda vakaurayiwa pakaputswa zvivakwa zveTwin Towers zvaive muguta iri.

VaTamburayi Gwekwerere, avo vari muNew York, vanoti mitemo mizhinji yakashandurwa neAmerica zvichitevera chiitiko ichi, izvo zvakaomesera vabvakure kunyanya.

“Takawona mitemo mizhinji ichisandurwa muAmerica, nyanya inoita nezve vabvakure nevapoteri, mushure mechiitiko ichi. Asi chinofadza ndechekuti America yakakwanisa kugadzirisa nzvimbo dzakapwanywa idzi uye vanoenderera mberi nekurangarira vakarasikirwa nehupenyu hwavo nemhuri dzakasara, “ VaGwekwerere vanodaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGwekwerere