Mashoko Anotevera Anoratidza Maonero eHurumende yeAmerica Pane Zviri Kuitika muSouth Africa

  • Jonga Kandemiiri

Map showing the location of Ventersburg, South Africa.

Gwaro rechokwadi chiripo rakaburitswa nemuzinda weWhite House rakatsanangura kuti hurumende yeSouth Africa mazuva mashoma adarika yakapasisa mutemo we Land Expropriation Act uyo unoibvumidza “kutora pasina muripo midziyo yezvizvarwa zvinenge zvisingafarirwi,” uye “kusarura madzinza madiki emapoka evatorwa.”

Mukupindura chiitiko ichi, mutungamiri weAmerica VaDonald Trump vakasaina mutemo wechimbichimbi unomisa America kupa rubatsiro kuSouth Africa kana “yakaenderera mberi ichitsigira vanoita zvakaipa pasi rose uye ichibvumira kurwiswa nechisimba kwevarimi vashoma vasina mhosva," gwaro rechokwadi iri rakaenderera mberi richitsanangura. Rakati, "America ichagadzira hurongwa hwekugarisa patsva sevapoteri vanhu vashoma vasingafarirwe muSouth Africa vanosarurwa nekuda kwerudzi rwavo."

Gwaro iri rakati South Africa ine nhoroondo yekutora matanho anopikisana neAmerica nevamwe vayo. Rakati "Mwedzi miviri chete mushure mekurwiswa kweIsrael nemagandanga musi waGumiguru 7, South Africa yakapomera Israel, kwete Hamas, mhosva yekuponda mudare re International Court of Justice. South Africa yakasimbisawo hukama neIran, iyo inotsigira hugandanga pasi rose."

Gwaro rechokwadi iri rakati, "Uku ichitsigira hugandanga nehutongi hwehudzvanyiriri kune dzimwe nyika, South Africa iri kutyora kodzero dzevanhu zvimwechetezvo kumusha. Hurumende yeSouth Africa yakagadza “mitemo isingaverengeki yakanangana nekuparadza mikana yakaenzana mumabasa, mudzidzo, uye mumabhizimisi.” Pamusoro pezvo, “mashoko eruvengo nezviito zvehurumende” zvakakuchidzira “mhirizhonga kuvaridzi veminda verudzi rwusingafarirwi.”

"Makore apfuura, hurumende yeSouth Africa yakaparadza zvikwata zvaizvipira kudzivirira varimi vekumaruwa, ichifuratira kurwiswa kwemapurazi kwaiitika," gwaro rechokwadi rakawedzera.

Hurongwa hwaVaTrump hwekutungamidza America mberi hunosanganisira kuzvipira kukodzero dzevanhu. Sekutaura kwavakaita, “South Africa iri kutora minda, uye kubata mamwe mapoka evanhu zvakashata zvikuru. ...Ndichange ndichigura mari yese kuSouth Africa mune remangwana kusvika ongororo izere yemamiriro ezvinhu aya yapera!”

Chokwadi, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Va Marco Rubio vakajekesa padandemutande re X kuti havasi kuzopinda musangano weG20 uchaitwa muna Mbudzi kuSouth Africa muJohannesburg. Vakati, “South Africa iri kuita zvakaipa zvikuru. Kubvuta zvinhu zvemunhu. Kushandisa G20 kukurudzira ‘kubatana, kuenzana, nekuchengetedzeka.’ Nemune mamwe mashoko: DEI uye kushanduka kwemamiriro ekunze. Basa rangu,” vakadaro VaRubio, "ndere kutungamidza mberi zvido zvenyika yeAmerica, kwete kutambisa mari yemitero kana kusimudzira vanopikisa America."

VaTrump vari kutumira mashoko akajeka kune vanokanganisa vari pasi rose – nevavakashungurudza – pane muripo wekubhadhara kana uchityora kodzero dzevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica

Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica pane zviri kuitika muSouth Africa.