Mashoko Anotevera Anoratidza Maonero eHurumende yeAmerica

  • Jonga Kandemiiri

Ndege yemauto eAmerica ichitakura vasungwa kuenda navo kuGuantanamo Bay.

Sehumwe hwehurongwa hwavo hwekuedza kwavo kudzoreredza kuzvitonga kweAmerica pamwe nekuchengetedza miganhu yayo, mutungamiriri wenyika, VaDonald Trump, vakasaina mutemo wechimbichimbi unotara kuti kuwedzerwe zvizere kushandiswa kwenzvimbo inochengeterwa vabvakure, kana kuti Migrant Operations Center iri pakamba yemauto yeNaval Station muGuantánamo Bay.

Vachinyora, VaTrump vakati kuwedzera kushandiswa uku, "kuchapa imwe nzvimbo yekuchengetera vasungwa vanopara dzimhosva vanobva kunze kwenyika vari muAmerica zviri kunze kwemutemo."

Pamusangano nevatori venhau, VaTrump vakati, “Tine mibhedha zviuru makumi matatu muGuantanamo yekuchengetera vanopara mhosva vakaipisisa vanobva kunze kwenyika vanoda kukanganisa zvizvarwa zveAmerica. Vamwe vacho vakaipisisa zvekuti hativimbe nenyika dzavanobva kuti dzivachengete, nekuti hatidi kuti vadzoke zvakare muno, saka tichavaendesa kuGuantanamo.”

Jeri rinochengeterwa vanobva kunze kwenyika paGuantanamo Bay rinoshanda zvakasiyana nejeri remauto rinochengeterwa vanopfurikidza mwero.

Kubva kuma 1990 jeri revekunze iri ragara richishandiswa zvakanyanya kuchengeterwa zvizvarwa zvekuHaiti neCuba zvinobatwa mugungwa. Chivakwa ichi changa chichishandiswawo zvakare munyaya dzekubatsira vanotambura nekununurwa kwevanenge vawirwa nenjodzi.

Mutauriri wemuzinda weWhite House, Amai Karoline Leavitt, vakati mutemo wechimbichimbi uri pamusoro peGuantanamo unobata matanho akambotorwa naVaTrump ekuchengetedza miganho yeAmerica nekuburitsa munyika vekunze vari kupara dzimhosva vari munyika.

Amai Leavitt vakati, “Tinoziva kuti tine dambudziko nepekuchengetera vasungwa muno munyika. … Mutungamiri wenyika vanoona sekunge Naval Station iri paGuantanamo Bay ndiyo nzvimbo yayakodzera. Vanobhadhara mitero vagara vari kubatsira nemari nechakare. Nzvimbo iripo. Sei tisingaishandise? Gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika riri kushanda nezvazvo zvandiri kutaura kudai.”

Vachibvunzwa paterevhizheni, gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaPete Hegseth, vakati Guantanamo “ndiyo chaiyo nzvimbo yakakodzera pabasa racho.

Vakati, “Iyi inzvimbo yekuchengetera kwenguva pfupi. Ragara rinotova basa reNaval Station Guantánamo Bay, kwatinogona kuwedzera zviuru - uye makumi ezviuru, kana zvichikodzera - kutamisa zvine hunhu vekune dzimwe nyika vari munyika medu zvisiri pamutemo uye kudzorera kunyika dzavakabva nenzira kwayo."

VaHegseth vakapika vachiti, “Tati, ‘Zvakwana. Vave kuenda kumba.’ Saka, Guantanamo Bay ndiyo nzvimbo yekupfuura nayo yakakodzera yekumbochengetera vakaipisisa vacho kusvika tavadzosera kunyika dzavo, idzo, sezvakajekeswa nemutungamiri wenyika VaTrump, dzinofanirwa kunge dzakagadzirira kuvatambira munguva pfupi inotevera.”

Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica