Gurukota rezveKudyidzana neDzimwe Nyika muAmerica VaMarco Rubio Vanoti Vachashanda Zvakasimba Kusimudzira Nyika Yavo.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMarco Rubio

Gurukota rinnona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMarco Rubio vachangobva mukutora mhiko vanoti vachashanda zvakasimba kusimudzira chimiro chenyika.

VaRubio vakasangana nezuro nevashandi muhofisi yebazi ravave kutungamira iri.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nekudyidzana nedzimwe nyika muzvinafundo Elliot Masocha vanodzidzisa paDevry university kuOhio, vanoti nyika dzemuAfrica dzinosanganisira Zimbabwe dzinofanirwa kugadzirisa nyaya yehutongi hwejekerere kuti hukama wadzo nehurumende itsva yeAnerica hupfumbire.

"Tiri kutarisira kuti hurumende itsva yeAmerica yaVaDonald Trump ichada kuita hukama neAfrica asi inenge ichada kuti nyaya dzezve huwori nekudzvinyirirwa kwekodzero dzevanhu kunyika dzakadayi seZimbabwe hugadziriswe," VaMasocha vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaElliot Masocha