Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden Vanosaina Mabhiri Makumi Mashanu Kuti Ave Mutemo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutungamiri weAmerica Va Joe Biden

Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden neChipiri vakasaina mabhiri makumi mashanu kuti ave mutemo kusanganisira rinotara gondo rinonzi muChirungu bald eagle seshiri inomirira nyika.

Rimwe remabhiri aya rinorambidza nhengo dzeparamende kutambira mari dzadzoo dzemudyandigere kana dzaakambobatwa dziine dzimwe mhosva dzadzakambopara.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nekudyidzana kwenyika dzapasi rose vari mudzidzisi mukuru paDevry University kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti danho rakatorwa naVaBiden iri rakanaka, vachiti richabatsira kuti nhengo dzeCongress dzisapara dzimhosva zvichazobatsira nyika mune ramangwanga.

"Zviri kuitwa naVaBiden zvinoratidza kuti vari kuda kuti nhorowondo yehutongi hwavo irangarirwe zvakanaka pavachasiya basa," Muzvinafundo Masocha vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaElliot Masocha