Harare Poly Yorambidzwa neDare Kumanikidza Vadzidzi Kubhadharisa Mari yeDzidzo neMadhora ekuAmerica Chete

Harare Polytechnic College

Mutongi wedare repamusoro Justice Gladys Mhuri vakamisa neChipiri chikoro cheHarare Polytechnic College kumanikidza vadzidzi kubhadhara mari yedzidzo nemadhora ekuAmerica chete kwete emunyika.

Mutongi ati zvikoro izvi zvinofanira kubhadharisa vana nemadhora emunyika zvichishandisa chikero chemari mumabhanga pazuva iroro kana kuti interbank rate.

Mutongo uyu wakapihwa mushure mekunge mumwe mudzidzi pachikoro ichi, Valentine Ziko achimirirwa negweta vaKossam Ncube vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Zvikoro zvakawanda zviri kuti dhora remunyika riri kuramba richishaya simba. VaZiko vaudza Studio7 kuti vadzidzi vagamuchira mutongo uyu nemufaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaValentine Ziko.