Musika weZITF Unovhurwa Zviri paMutemo neMutungamiri weEswatini, Mambo Mswati Vechitatu

ZITF 2023

Mambo Mswati Vechitatu venyika yeEswatini vanoti zvakakosha
kuti nyika dzemuAfrica dzisimudzire kudyidzana kwadzo mune zvehupfumi
kuitira kuti dzipedze hurombo hweveruzhinji.

Mumashoko avo vachivhura gungano reZimbabwe Internantional Trade Fair
yegore rino zviri pamutemo muBulawayo nhasi, Mambo Mswati Vetatu vati vafara zvikuru kuve pagungano iri iro vati rinoratidza kuti riri kuramba richikura.

ZITF 2023


Vati Zimbabwe ndeimwe yedzimwe nyika dzemuAfrica dzinoratidza kusimba
kwadzo zvisinei nematambudziko akasiyana siyana adzinosangana nawo.

Mambo Mswati vati gungano rakaita seZITF harina kukoshera Zimbabwe
chete asi rakakosherawo nyika dzeSADC sezvo richibatsira kuvandudza
kudyidzana mune zvehupfumi pakati penyika idzi, vakatiwo kubudirira
kana kusabudirira kwenyika imwe chete kunogona kubatawo dzimwe
nyika, zvikuru idzo dziri pedyo nayo kana kuti dziri mudunhu rimwe
chete.

Mambo Mswati vati pane kudyidzana mune zvehupfumi pakati peZimbabwe
neEswatini asi vati kudyidzana uku kunofanirwa kukwirira vakatiwo
nyika dzose dzemuAfrica dzinofanirwa kutora mukana wekuvepo
kwechibvumirano cheAfrican Continental Free Trade Agreement kuti
dzisimudzire kudyidzana kwadzo senzira yekuvandudza hupfumi hwadzo
pamwe nekupedza hurombo hweveruzhinji vemunyika idzi.

Mambo Mswati Vechitatu naVaMnangagwa kuZITF 2023

Mudzidzisi wezvidzidzo zvebudiriro zvepamusoro vari muongorori wezvehupfumi
akazvimirira, VaFelix Chari, vatsinhira kuti zvakakosha kuti nyika
dzemuAfrica dzisimudzire kudzyidzana kwadzo dzisangotarisa chete
kudyidzana nedzekunze.

Gurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana, Doctor Sekai Nzena, avo vanga varipowo pachiitiko ichi, vanoti musika weZITF wakakosha zvikuru sezvo uchipa mukana kumakambani ekunyika wekuti azvishambadze.

Kushanya kwaMambo Mswati munyika kwakakonzera mutauro vamwe vanorwira
kodzero dzevanhu vachiti vane nhoroondo yakaipa munyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu munyika mavo.

Mambo Mswati Vechitatu vaperekedzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, pamwe makurukota ehurumende akasiyanasiyana anosanganisira gurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana, Doctor Nzenza negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Kudzanai Musengi