Chizvarwa cheZimbabwe, VaErnest Musuwo, veMusuwo Farm Produce, Vogutsa veRuzhinji Kuburikidza neKurima kuEngland

  • Jonga Kandemiiri

VaErnest Hama Musuwo, chizvarwa cheZimbabwe chiri kurima chiri kuEngland.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakaramba kuchinja mutupo nekushanya, chairi kushura mare nekurima zvirimwa zvekumusha chiri kuBritain. s

VaErnest Hama Musuwo, vanove muridzi weMusuwo Farm Produce, vane mukurumbira wekuwanisa zvirimwa zvinyoro zvinosanganisira chibage chichena, nzungu, mbambaira, manhanga, muboora, nemuriwo wetsunga mudunhu ravanorima vari reSurrey neEngland yose.

VaMusuwo vanoti vanorima mapurazi akawanda avanoita zvekushandisa vachibhadhara mari, mamwe vachingonzi nevaridzi varime zvavo pachena, pasina mubhadharo.

VaErnest Hama Musuwo

VaMusuwo vanoti munhu akakurira mumhuri yaida zvekurima zvekuti vakadzidza kurima vachiri muwana mudiki chaizvo.

"Inini, pakukura kwedu, takakura tiri pamusha tiri kumaruzevha. Tobva kuManyika uko kuBonda. Saka takangokura tichiita zvekurima. Kuenda kuchikoro yakanga iri mari yekurima.

"Saka pandakauyawo kuEngland kuno uku, pandaigara ndakangotangawo nekagadheni paimba, ndichionawo kuti zvinofamba sei. Ndakatangawo munana 2005 ndichimboonawo kuti zvinomira sei?"

Vanoti pari zvino vakarima maeka makumi mashanu echibage chichena pane mumapurazi avo, kuchiti dzimwe nzvimbo dzakaiswa muriwo nezvimwe zvirimwa zvose.

VaErnest Hama Musuwo vanoti vakakura vachiita zvekurima.

Asi vanoti dambudziko ravanonyanyosangana naro nderekushaya vashandi vakakwana, zvikuru munguva yekukohwa zvirimwa zvavo.

VaMusuwo, avo vakadzidza zvemabhuku emari, kana kuti accountant, vanoti kunze kwekubatsira vana vekuZimbabwe nekuchamhembe kweAfrica nechikafu chekumusha, vanoshandisawo dzimwe mari dzavanowana mukubatsirawo vanotambura.

Vanoda kuvabata vanokwanisa kuenda papeji ravo reFacebook paMusuwo Farm Produce kana kuvabata pafoni kana whatsapp panhamba dzinoti +44 793 270 7009.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaErnest Hama Musuwo