Vari Kumirira Zimbabwe kuMusangano weMadzimai kuUnited Nations Vanoti Vari Kudzidza Zvakawanda

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Virginia Muwanigwa - Zimbabwe Gender Commission Chairperson

Musangano unotarisa nyaya dzekodzero dzemadzimai unokokerwa nesangano reUnited Nations uri kuenderera mberi muNew York nhasi.

Mumwe ari kumusangano uyu mukuru wesangano rinoona nezvekuyenzaniswa kwemikanha pakati pemadzimai nevanhurume kana kuti Gender Commission Amai Virginia Muwanigwa.

Amai Muwaningwa vanoti vari kutarisira kuti vachadzidza nzira dzechizvino zvino dzekuti vakwanise kusvitsawo mashoko nenemamwe madzimai nevanasikana vari kuma misha vasina kukwanisa kuuya kuno kuAmerica kumusangano uyu.

"Tiri kudzidza zvakawanda kumusangano uyu sezvo kune madzimai vanobva pasi rose avo tiri kuzeya navo nezvenzira itsva dzatinga shandise kusimudzira kodzero dzemadzimai nevanasikana," Amai Muwaningwa vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Virginia Muwanigwa