Munyori weMabhuku Amai Imelda Tsumba Vokurudzira Kuremekedzwa Kwekodzero dzeMadzimai

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Abortion Has Consequences

Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika mukucherchedza mwedzi waKurume uyo uno cherechedzwa mabasa nekodzeo dzemadzimai. Mukurangarira mazuva aya mumwe munyori wemabhuku A,bya Imelda Tsumba vanoti zvakakosha kuti madzimai vazvipembedze zuva nezuva sezvo zvisiri nyore kuva mudzimai sezvo vachitarisana nezvimhingamipinyi zvakasiyana siyana mukurarama.

Mbuya Tsumba vanoti vakanyora mabhuku anodarika makumi mana. Vanoti. vakanyora bhuku idzva rinonzi “Marriage Handbook.” nemurume wavo rinopa dzidziso kune avo vanoda kupinda muwanano sezvo vana tete vaisimboraira vanasikana vave vashoma.

Vanoti parizvino vave kushandisa madandemutande akaita seWhatsApp kubatsira vanenge vachinetsana mudzimba kana kuda kurayirwa. Ambuya Tsumbu vatiwo, "Ndino shuwira kuti madzimai ose akwanise kuzvisimudzira mwedzi uno uyo uno cherechedza vanhukadzi pasi rose." Vaenderera mberi vachiti, " Ndino shuwira kuti vachaverenga mabhuku angu vawane rubatsiro rwakanangana nematambudziko avari kutarisana nawo,"Mbuya Tsumba vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Amai Imelda Tsumba