Mashoko Anotaura Pamire America Pamhosva dzeHondo Dziri Kupomerwa Mauto eRussia Ari Kurwisa Ukraine. 

  • Blessing Zulu

Russia Ukraine War Crimes Bucha

Mauto aRussia ari muguta reKherson kuchamhembe kwe Ukraine anonzi kupara mhosva dzehondo achityora kodzero dzevanhu.

Mumiriri weAmerica kusangano reOrganization for Security and Co-operation Ambassador Michael Carpenter vanoti zviri kuitwa muKherson zvinhu zvinotyisa. Russia inonzi iri kumanikidza vanhu vemudunhu iri kuti vatende kuva pasi pehutongi hwayo nechisimba.

Vamwe vanhu mazana matanhatu vari kuramba kutambira hutongi hweRussia vanonzi vari kuchengetwa vari mudzimba dzakacherwa pasi vachiitwa kafiramberi. Vanhu vari muhusungwa vanosanganisira vatori venhau, vashandi vemukanzuru, vanoshandira masangano akazvimirira oga uye vose vari kupomerwa mhosva dzekuratidzira vachitsigira Ukraine.

Vanhu vemuKherson vanonziwo vanobvunzurudzwa nekushungurudzwa pose pavanenge vachifamba.

Vammwe vanhu vaishndira hurumende yeUkraine vari kusungwawo vachiiswa mumatirongo pachinzi pari kutsvagwa vatengesi vari kudyidzana nehurumende yeUkraine uye kufukura hapwa kuvatori venhau.

Vanhu ava vanonzi vanogara muhusungwa kwemazuva akawanda vamwe vachibvunzurudzwa, kuitwa kafiramberi kana kuurayiwa kana kugariswa muhusungwa kana kumanikidzwa kutama vachiendeswa kune dzimwe nzvimbo.

Russia inonzi iri kuisa vanhu vanoitsigira kuti vatungamire matunhu airi kutora akaita seKherson. Izvi zvakaitikawo muna 2014 na2015 kumatunhu akaita seDonetsk. Russia inonziwo iri kudzima madandemutande akaita seinternet kunzvimbio dzayapamba kuti vanhu vasanzwewo mamwe mashoko asiri anobva kuRussia.

Vanhu havabvumidzwewo kutumirwa mari kubva kunze dzimwe nyika kana nzvimbo.

Muzvikoro, varairidzi vari kumanikidzwa kuti vadzidzise zviri kudiwa neRussia asi vamwe vari kuramba zviri kuisa hupenyu hwavo munjodzi. Vanhu vari kumanikidzwawo kushandisa mari yekuRussia yemaruble uye kunyoresa magwaro emba dzavo nevanhu vakagadzwa neRussia.

VaCarpenter vanoti America iri kutyora zvibvumirano zveUnited Nations Charter uye zveHelsinki Final Act panyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kunyangwe munguva yehondo.

Mumiriri weAmerica uyu anoti ane chivimbo chekuti mutungamiri weRussia VaVladimir Putin nemauto avo vachatongerwa mhosva dzehondo dzavanonzi vari kupara muKherson nemamwe matunhu emuUkraine idzi.