Chizvarwa cheZimbabwe Chobatsira Vakawirwa neDambudziko reMafashamu eMvura kuCalifornia

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

USA, California, Floods (Foto: Reuters video grab)

Chimwe chizvarwa chekuZimbabwe chinotungamira sangano reConcerned Family amai Fortunate Hove Cooper vanoti sangano ravo riri kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura mudunhu reCalifornia muAmerica.

Amai Fortunate Hove Cooper

Vanhu gumi nevasere vakafa uye vamwe vakatsakatika mushure mekunge dzimba dzayeredzwa nemvura.

Hatisati tanzwa kuti pane vakashaya pane chizvarwa cheZimbabwe here. Amai Cooper vanoti sangano ravo ririkubatsira nechikafu chekudya nezvikwanisiro zvakasiyana siyana kune avo vari munharaunda yeku Riverside kwavanogara nekushandira muCalifornia.

"Zuva nezuva tirikupa vanhu chikafu, nezvikwanisiro zvakasiyana siyana kune avo vakawirwa nedambudziko remafashamu, nekuti dzimwe mhuri dzakarasikirwa nepekugara zvekuti vamwe tiri kuvabatsira kuti vawane pekugara pari zvino," Amai Cooper vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Fortunate Hove Cooper