Vana Vane Vabereki Vane Magwaro eZEP Vanokwanisa Kuramba Vachidzidza paMutemo weSouth Africa

Mwezeni , South Africa, Eastern Cape Province

Zvikoro zvemuSouth Africa zvavhurwa nhasi asi zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvange zvichichema chema kuti remangwana revana vavo risina kujeka.

Kunyangwe mutemo uchiti vana vanokwanisa kuramba vachienda kuchikoro kunyangwe vabereki vavo vasina mapepa ekugara munyika iyi zviri pamutemo, remangwana rine mhute sezvo bazi rezvemukati menyika yeSouth Africa riri kutsika madziro richiti musi wa 30 Chikumi zvizarwa zveZimbabwe zvine magwaro ekugara munyika iyi eZimbabwe Exemption`Permit kana kuti ZEP zvichatanga kudzoserwa kumusha.

Magwaro aya asvika kwamvura yacheka makumbo. Hurumende yeZimbabwe kuburikidza nemuzinda wayo munyika iyi wakati wakagadzirira kubatsira vanenge vodzingwa ava.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinorwira kodzero dzevanhu reSouthern African Liaison Office kana kuti SALO VaMunjodzi Mutandiri vanoti zvakakosha kuti vanenge vaine vana vadzingwe vaenda kunotsvaga rubatsiro kumasangano anorwira kodzero dzevanhu asi vatsinhira kuti mutemo wakajeka pakuti ikodzero yemwana kuti aende kuchikoro kana ari muSouth Africa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunjodzi Mutandiri