ZINASU Yoshushikana neKumbomiswa kuNyorwa kweBvunzo dzeZvidzidzo zveMitemo neUniversity of Zimbabwe

  • Jonga Kandemiiri

Zinasu

Rimwe sangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusorosoro, reZINASU, rinoti riri kushushikana nedanho rarinoti rakatorwa neUniversity of Zimbabwe, rekumbomisa kunyorwa kwebvunzo dzemitemo zvichitevera kuburitswa kunonzi kwakaitwa bvunzo idzi zviri kunze kwmutemo.

Vakafanobata chigaro cha Registrar veUniversity of Zimbabwe, VaMunyaradzi Madambi, vakaburitsa gwaro neChitatu vachizivsa kuti bvunzo dzose dzeBlock 3 muFaculty of Law dzakanga dzamiswa uye dzichazonyorwa muna Zvita wegore rino, sezvo paive nekufungidzira kuti pane zvisina kufambiswa zvakanaka mukugadzirwa kwebvunzo dze Administrative and Local Governance Law (BLS204).

Munyori anoona nezvemutemo muZINASU, VaBoris Muguti, vaudza Studio 7 kuti sesangano vakanga vasingatarisire danho raVaMadambi iri pachitariswa kuti kana paine kuburitswa kwemapepa ebvunzo zviri kunze kwemutemo zvinhu zvinenge zvakaitwa nevadzidzisi, kwete vadzidzi.

VaMugiti vanoti vadzidzi vakanga vagadzirira zvakakwana asi zvaitwa izvi zvave kuzovadzorera kumashure.

Asi vanoti sangano ravo richaedza kuona kuti ragara pasi nehutungamiri kwechikoro chepamusoro ichi kuti vatsvage nzira dzekugadzirisa nadzo dambudziko iri.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi reUniversity of Zimbabwe panyaya iyi sezvo takundikana kubata VaMadambi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBoris Muguti