Chizvarwa cheZimbabwe Chakadzokera Kumusha Kubva kuAmerica, VaTamuka Gwatidzo, Vosimudzira Hupenyu Hwavo neKurima Howa

  • Jonga Kandemiiri

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kurima howa, VaTamuka Gwatidzo.

Panguva iyo vechidiki vakawanda vari kurwisa kuti vabude munyika vachinotsvaga mafuro manyoro, zvikuru kunyika dzakaita seAmerica neBritain, chimwe chizvarwa cheZimbabwe chechidiki chaive muno muAmerica chakatosiya rugare rwose pamwe nebasa rakanaka chichidzokera kumusha kunobatsira kusimudzira chirongwa chemhuri chekurima howa.

VaTamuka Gwatidzo, avo vakanga vagara muAmerica kwemakore anodarika makumi maviri, vari kurima howa hwerudzi rwe White Button, uhwo vari kutengesera vezvitoro, kusanganisira zvinobika zvekudya zvakaita se pizza, pamwe nevagari vemunharaunda yavari kurima vari yeZiko kuChitungwiza.

VaGwatidzo, avo vane makore makumi matatu nemana ekuberekwa, vakasiya basa ravaishanda rekuchera mafuta kudunhu reNorth Dakota, uye vanoti havana tarisiro yekuti vachadzoka kuAmerica nekukasika.

Vanoti havana kuchikoro kwavakaenda kunodzidzira zvekurima howa izvi, asi kuti vakasimudzira kuenda mberi basa rakatangwa naAmai vavo, avo vakatanga chirongwa chekurima howa senzira yekurangarira Amai vavo, avo vaifarira howa.

Vanoti vari kukurudzirawo vechidiki vari kunze kwenyika kuti vatore mukana wekutanga zvirongwa zvakasiyanasiyana kumusha senzira yekuzvisimudzirawo pachezvavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTamuka Gwatidzo