Fewsnet Inoti Kutarwa kweMitengo yeZvinhu neMari yekuAmerica kwoKonzera Vakawanda veKumaruwa kuShandisa Zvipfuwo Kutenga Zvavanoda

  • Jonga Kandemiiri

Vakawanda vekumaruwa vanonzi vave kushandisa zvipfuwo nechibage kubhadhara zvavanenge vachida kutenga.

Sangano rinozivisa nezvenzara, reFamine Early Warning Systems Network (FEWSNET) rinoti kutarwa kwemitengo yezvinhu nemari yekuAmerica kuri kutadzisa kuti vakawanda vakwanise kuwana chikafu zvoita kuti vamwe vashandise zvipfuwo nezvirimwa mukuchinjanisa nezvavanenge vachida.

Mugwaro rinotarisa mamiriro enyaya dzechikafu kubva mumwedzi waChikunguru kusvika muna Gunyana rakaburitswa nesangano iri, FEWSNET inoti nekuda kweizvi, ruzhinji rwevanhu, zvikuru kumaruwa, rwave kushandisa nzira yekuchinjana zvinhu zvakaita sechibage, mbudzi, mombe nehuku nezvinhu zvavanenge vachida kana kushandisa semubhadharo kuti vakwanise kuwana zvimwe zvavanenge vachida asi vasina mari.

FEWSNET inotiwo nekuda kwekuoma kwehupenyu nekukwira kwemitengo yezvinhu, vakawanda kumaruwa vave kuraramawo nekutengesa zvinhu zvakaita semidziyo yemumba, kurima miriwo kune avo vane mvura, uye kuchera zvicherwa, asi ichiti hakunawo zvakare tarisiro kumabhindauko aya nekuda kwezvimhingamipinyi zvakasiyanasiyana, zvinosanganisira kushomeka kwemisika yekuzvitengesera.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa kanawo gurukota rezvekurima, Doctor Anxious Masuka kuti tinzwe divi rehurumende.

Asi hurumende yakagara yazivisa zvayo kuti hapana munhu achafa nenzara munyika, ichiti yakagadzirira zvakazara kudzivirira nzara.

Asi nyanzvi munyaya dzechikafu, uye vakambotungamira sangano reChristian Care, Mufundisi Forbes Matonga, vanoti mamiriro akaita zvinhu munyika akaomera vakawanda, zvikuru vekumaruwa, vachiti kuchandisa kwavave kuita zvipfuwo zvavo nemidziyo yavo zvinotopedza hupfumi hwavo nehwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

FEWSNET REPORT-MATONGA-SHO-JONGA 06 AUG 2022.mp3