Mumwe Murimi kuInsiza kuMatabeleland South Anorasikirwa neMombe Makumi Maviri neSere Dzakaurayiwa Senzira yeKudzivirira Zvirwere

  • Jonga Kandemiiri

Mombe dzakawanda dzinonzi dziri kufa nechirwere che january disease.

Varimi vanochengeta mombe vari kukurudzira hurumende kuti ivawanise mishonga yekuti vadhibhise pamwe nekubaya mombe dzavo senzira yekudzivirira nayo zvipfuwo zvavo zvichitevera kupararira kwechirwere che Theileriosis, icho chinonyanyozivikanwa se January Disease.

Izvi zvinouya panguva iyo mumwe murimi weku Insiza kudunhu reMatabeleland South akarasikirwa nemombe dzake dzinosvika makumi maviri nesere idzo dzakaurayiwa ndokupiswa neveboka rekuchengetedzwa kwezvipfuwo re Veterinary Services nemusi weChina senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi mudunhu iri.

Murimi uyu anonzi akabvisa mombe dzake kubva kuGwanda kuenda kuInsiza asina kupiwa mvumo neboka re Veterinary Services.

Mutauriri wesangano rinomirira varimisi, re Zimbabwe Agriculture Professionals and Technical Association, VaZivaishe Zhou, vari kuyambira varimi kuti vasafambise mombe dzavo vasina mvumo, sezvo kuita izvi kuchigona kuparadzira zvirwere.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZivaishe Zhou