Mutengo weChingwa Wowedzerwa

Masangano evanogadzira chingwa azivisa kuti mutengo wechingwa uchawedzerwa mangwana kubva pamadhora mazana matatu nemakumi mashanu- kana kuti ZW$355 parofu kusvika pamartgs mazana mana nemakumi mashanu nemashanu kana kuti ZW$455.

Izvi zviri kuuya mushure mekunge Econet yawedzera mutengo wekushandisa nharembozha.

Mutungamiri weBakers Association of Zimbabwe VaWellington Peyama vanoti zvinhu zvose zvekugadzirisa chingwa zvakaita segorosi, shuga nemafuta ekubikisa zvawedzerwa mutengo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWellington Peyama