Meya weHarare Vakamiswa Basa VaJacob Mafume Votsika Madziro Pakudzingwa Mukanzuru

VaJacob Mafume

Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vazivisa kuti VaJacob Mafume havasisiri meya weguta reHarare zvichitevera tsamba yavanoti yakanyorwa nebato rePeople’s Democratic Party richiti VaMafume havasisiri nhengo yebato iri.

Mutsamba yavanyorera munyori wekanzuru yeHarare iyo iri mumaoko eStudio 7, VaMoyo vati vakatambira tsamba kubva kubato rePDP richivazivisa kuti VaMafume vakange vave nhengo yebato reCCC saka nokudaro wadhi 17 yanga ichimirirwa naVaMafume haisisina mumiriri.

Nokudaro, VaMoyo vaudza kanzuru yeHarare kuti izivise komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuti iwone kuti paitwa sarudzo itsva dzekutsvaga kanzura mutsva muwadhi 17.

Izvi zvinoreva kuti VaMafume vange vambomiswa basa havasisiri meya weguta reHarare.

Asi VaMafume vati tsamba yaVaMoyo haina maturo vakati ndivo vachiri meya weHarare vachiti VaMoyo havakwanise kuchinja zvakaturwa nematare nguva yapfuura kuti munhu chete anokwanisa kunyora tsamba akamirira bato rePDP ndiVaSettlement Chikwinya. Izvi zvinotevera tsamba yakanga yanyorwa naVaBenjamin Rukanda vachidzinga VaTendai Biti nedzimwe nhengo dzePDP mudare reparamende.

VaMafume vati VaMoyo vari kuedza kuvhariridza huori hwavanoti vari kuita mukanzuru yeHarare kubudikidza nekuvadzinga basa kunyange hazvo vachiti VaChikwinya havana kumbobvira vanyora tsamba yekuvadzinga.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMoyo sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kubva mangwanani patawana tsamba yavo iyi. Asi VaMoyo vari kuongororwa neZACC vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori pakutengwa kwepombi dzemvura muHarare.

Mutauriri webato reCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vati zvaitwa naVaMoyo zvinoratidza kuti bato reZanu PF riri kushaya hope nekukunda kwakaita bato ravo musarudzo dzema by-elections.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaItai Zimunya, vati kuti takarasima nekuramba vongomisa VaMafume basa padiki-padiki kunosiya mibvunzo yakawanda pane mhinduro.

Kudzingwa mukanzuru kwaitwa VaMafume kunouyawo apo VaMoyo vakazivisa neChishanu chapfuura kudzingwa kwemamwe makanzura gumi nematanhatu mumakanzuru akasiyana-siyana munyika zvichitevera tsamba yakanyorwa neMDCT yaVaDouglas Mwonzora vachiti makanzura aya akanga asisatevedzeri zvido zvebato ravo.

VaMwonzora vakaudza vatori venhau neMuvhuro kuti tsamba dzekudzinga makanzura aya dzakanga dzanyorwa muna Gunyana wegore rapera sarudzo dzema by-elections dzisati dzaitw vachiti hofisi yaVaMoyo ndiyo yakazononoka kutumira tsamba idzi kumakanzura aya.

Mumwe wemakanzura akadzingwa naVaMwonzora, VaTonderai Samhu, vekuMashonaland Central Provincial Council, vati havasi kushushikana nekudzingwa kwavakaitwa vachiti pavakasarudzwa havana kumbobvira vasarudzwa vasarudzwa vari pasi pebato raVaMwonzora.

Mibvunzo yatatumira mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana, yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo kuti tinzwe kuti vaziviswa here nezvenyaya yaVaMafume pamwe nemakanzura akadzingwa neMDCT aya uye kuti sarudzo dzekutsiva vanhu ava dzichaitwa rinhi.

Asi sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba vakaudza Studio 7 nguva pfupi yadarika kuti ma by-elections anoitwa mukati memazuva makumi mapfumbamwe kubva musi unenge waziviswa kuti nzvimbo hadzisisina vamiriri kunze kwekunge kwasara mwedzi mipfumbamwe kuti sarudzo dzenyika yose dziitwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Frank Chikowore