Mutengo weChingwa Wotarisirwa Kuramba Uchikwira neNyaya yeKurwiswa kweUkraine neRussia.

Sachigaro weGrain Millers Association of Zimbabwe kana kuti GMAZ VaTafadzwa Musarara vanoti mutengo wechingwa ucharamba uchikwira zvakanyanya kana hondo pakati peUkraine neRussia ikaramba ichienderera mberi.

Russia neUkraine ndidzo dzinorima gorosi rinosvika zvikamu makumi mana kubva muzana rinotengeswa pasi rose.

VaMusarara vaudza Studio 7 kuti nekuda kwehondo iyi, nyika mbiri idzi dzamira kutengesa gorosi range richitariswa munyika uye mutengo wegorosi wabva wakwira kubva pamadhora mazana mana nemakumi matanhatu nemashanu kana kuti US$475 kusvika pamadhora mazana matanhatu nemakumi masere nemashanu kana kuti US$685.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Musarara

Mutengo wefurawa inogadziriswa chingwa wakwirawo nezvikamu gumi kubva muzana. Izvi zvave kupawo kuti mutengo wechingwa ukwirewo. Chingwa chakawedzerwa mutengo svondo rapera uye rofu rimwe riri kutengwa nemadhora ari pakari pemazana maviri nemakumi mashanu ZWD250 kusvika kumazana matatau ZWD300 emari yemunyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano