Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kutiza KuUkraine Zvinoti Rubatsiro Rwuri Kunonoka, Asi Hurumende Ichiti Yakatuma Nhume

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Motokari yaparadzwa neRussia mudunhu re Kharkiv, Ukraine

Hurumende yeZimbabwe inoti yakagadzirira kubatsira zvaizvarwa zveZimbabwe zviri kutiza kubva kuUkraine asi zvizvarwa izvi zvave kuchema chema kuti rubatsiro rwacho rwunenge rwave kunonoka kuuya.

Hondo iri kuenderera mberi kuUkraine uko kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kuzvikoro zvepamusoro. Nyika iyi iri kurwiswa neRussia.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichiri muUkraine asi zvimwe zvakapotera kuPoland neRomania kuti zvidzoswe kumusha nehurumende. Zvimwe zvizvarwa izvi zvinoti hazvisati zvawana rubatsiro.

Asi munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vaudza Studio 7 kuti hurumende yakatumira nhumwa kuPoland kuti inobatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvapinda muhupoteri izvi nemari dzematiketi endege ekuti dzidzokere kumusha.

Mauto eRussia akawanda anonzi akananga kuguta guru renyika iyi reKyiv kunyangwe nyika mbiri idzi dzapinda muzuva repiri dzichiita nhaurirano.

Nyika dzakawanda dziri kutemerawo russia zvirango zvehupfumi. European Union yati iri kuronga kupa hupoteri kumauto emuRussia anoda chero asina kupara mhosva dzehondo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaNick Mangwana