WASHINGTON —
Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vari kukurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzimbomira nyaya yekutsvaga zvigaro kana kutaura vatungamiri vavari kutsigira sezvo bato risati rapedza kuzeya nyaya dzesarudzo.
Bato reZanu PF rine sarudzo dzakakosha dzekongiresi muna Zvita. Pakongiresi apa ndipo pachasarudzwa vatungamiri vatsva.
Kongiresi isati yaitwa, pachaitwa imwe yemadzimai neyevechidiki.
Dunhu reMashonaland West rakatotanga kuti riri kuda kuti mutungamiri webato, VaRobert Mugabe, vatungamire bato kwemamwe makore mashanu.
Mashoko aya akabva atsigirwa nesangano rakarerekera kuZanu PF, reAffirmative Action Group. Asi vanoronga mabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vanotiwo pane vamwe vari kushanda husiku kuyedza kupidigura mutevedzeri waVaMugabe, Amai Joyce Mujuru.
Panonziwo pari kutemeranwa muvhu pavanhu vari kunzi vari kutsigira Amai Mujuru nevari kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.
Vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavanotsigira.
Kongiresi yeZanu PF inoitwa kamwe chete mumakore mashanu.
Nguva zhinji kongeresi iyi ndeyekudhinda zvinenge zvawiriranwa nehutungamiri hwebato.