Vashandi veHurumende Vanosvitsa Zvikumbiro Zvemihoro kuGurukota reVashandi

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vehurumende vanoti vari kuda mari dzinofambirana nePoverty Datum Line

Vamiriri vemasangano evashandi vehurumende vasvitsa gwaro retarisiro yavo munyaya dzemihoro kuhofisi yegurukota idzwa rinoona nezvevashandi VaNicholas Goche.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa nevamiriri vevashandi ava neChipiri muHarare wekuti vabude nezvavanoda kuti hurumende itsva yavepo iyi ivaitire munyaya dzemihoro pamwe nemashandiro avo.

Vashandi vakawanda vanonzi vakati vakumbire hurumende kuti muhoro wemushandi wepasi utangire paPoverty Datum Line, iyo iri pa$540.00 pamwedzi kubva pa$297.00 iri kutambirwa pari zvino ichisanganisira zvose nemari dzekubatsirikana.

Vari kukumbirawo kuti vashandi vekumaruwa vapiwe zvikamu makumi matatu kubva muzana emari dzemihoro dzekubatsirikana dzinopiwa vashandi vanogara kumaruwa, pane zvimwe zvezvinhu zvavari kukumbira.

Asi izvi zvinonzi zvakonzera kusawirirana mukati memasangano evashandi aya sezvo vamwe vari kuramba kuti mari yemihoro ibatanidzwe nemari dzekubatsirikana, vachiti mihoro ndiyo inofanirwa kutangira pa$540.00 pamwedzi pasati paiswa mari dzekubatsirikana.

Mutungamiri wesangano reCollege Lecturers Association of Zimbabwe, VaDavid Dzatsunga, mumwe wevasvitsa gwaro iri kuhurumende, vati vashandi ava vari kudawo zvakare kuti hurumende yaVaMugabe izadzise zvivimbiso zvayo zvekuti ichasvitsawo nyaya yekuendeswa kweupfumi kuvatema kuvashandi vehurumende, sezvavaivimbisa panguva yekutsvaga rutsigiro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro navaDavid Dzatsunga

Asi vamwe vanoti kana hurumende ikatambira chikumbiro ichi isina matanho airi kutora ekumutsiridza upfumi hwenyika, zvinhu zvinogona kutonyanya kuipa sezvo mari dzemihoro yevashandi vayo dzichidya zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemari yainowana pamwedzi.

Maonero aya arambwa nemutungamiri wePublic Service Association, Amai Cecilia Alexander, avo vabatana naVaDzatsunga kunosvitsa tsamba kuhurumende. Amai Alexander vati havaoni paine dambudziko pakuti hurumende ivawedzere mari dzemihoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander

Zvichakadaro vashandi vemumabhanga pasi pesangano reZimbabwe Banks and Allied Workers Union vakaratidzira panze peBarclays Bank muHarare neChipiri nenyaya yemihoro.

Mumwe wevatevedzeri wemunyori musangano reZIBAWU VaShephered Ngandu vati vashandi ava vane hurongwawo hwekuratidzira pabhanga reMNB.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaShepherd Ngandu