Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvogunun'una neMutemo Mutsva weVapoteri Wadzikwa neSouth Africa.


VaCyril Ramaphosa
VaCyril Ramaphosa

Mamwe mapato anopikisa nemasangano anorwira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa ari kushora zvikuru hurumende yeSouth Africa nekudzika mutemo unonzi unoomesera vari muhupoteri. Vamwe vavo vanoti vari kuronga kuupikisa kumatare.

Mutemo uyu unoti wose apotera munyika iyi haachatenderwi kuita zvematongerwo enyika zvakanangana nekwaakatiza.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika yeSouth Africa VaAron Motsoaledi vanoti vose vachatyora mutemo uyu, uyo wakadzikwa kubva kutanga kwegore rino vachaiswa mutirongo kana kudzingwa munyika sezvo kuita kwakadai kuchikanganisa kugadzikana kwenyika yavo.

Vachitaura nezve kusimbaradzwa kwemutemo uyu VaMotsoaledi vanoti vose vachatsvaga hupoteri muSouth Africa vanofanira kuvewo netsamba yekufamba kwavo inonzi Transit Visa inobva kunyika yavanenge vapfuura nayo ichitaura kuti vari kunotsvaga hupoteri muSouth Africa.

Tsamba iyi ndiyo yavachazoburitsa kana vasvika pamigano ipi zvayo yekupinda, muSouth Africa.

Asi sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum VaGabriel Shumba vanoti zvaitwa neSouth Africa kutyora mutemo naizvozvo pane mukana wekuti nyaya iyi ikwidzwe kumatare edzimhosva.

VaShumba vaenderera mberi vachiti danho ratorwa iri harifambirane nemutemo uri mubumbiro renyika yeSouth Africa kana zvakadzikwa nesangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose reUnited Nations.

VaShumba vanoti kushandiswa kwechisimba kune vasina magwaro muSouth Africa kutyorwa kwemutemo.

Mutauriri wesangano rinopikisa hurumende, reMovement for Democratic Change, mudunhu reJohannesburg muSouth Africa VaInnocent Nsingo vanoti, danho ratorwa nehurumende yeSouth AFRICA rinorwadza.

VaNsingo vanoti MDC nemamwe mapato anopikisa hurumende vachabatana mukuita hurukuro nehurumende ye South Africa inotungamiririrwa nebato reANC.

Munyori mukuru werimwewo sangano rinopikisa hurumende reUnited Democracy Movement, VaAndrew Nyathi vanoti zvaitwa neSouth Africa kutadza kufunga kana kuona zvinhu nemazvo.

Vaenderera mberi vachiti kune nhengo dzesangano reANC dzakachengetwa muZimbabwe dzisina kumboona matambudziko akafanana neayo arikuonekwa nemhuri yeZimbabwe muSA.

Kusimbaradza mutemo uyu, mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vakabva vatiwo mumwe mutemo wevapoteri wakadzikwa muna 2008 we Refugees Ammendment Act utange kunyatsoshandiswa. Vapoteri vanonzi havatenderwi kuenda kumizinda yenyika yavo iri muSouth Africa kunotsvaga rubatsiro kana kuti kuvhota musarudzo dzemunyika dzavo.

Mumiririri wemuzinda weZimbabwe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi vaudza Studio 7 kuti havakwanise kupa mafungiro avo sezvo vasati vaverenga zvawedzerwa mumutemo wevapoteri kana kuti Refugees Act uyu.

Danho ratorwa neSouth Africa iri rinoteveravo mhirizhonga yakaitika muguta reCape Town gore rapera apo mhuri dzekune dzimwe nyika dzakange dzichiratidzira pamahofisi ebazi reUnited nations rinoona nezvevapoteri reUnited Nations High Commissioner for Refugees kana kuti

UNHCR, nekwadzaiti kusabatwa kwadzo zvakanaka nezvizvarwa zveSouth Africa. Vairatidzira pamahofisi aya vaida kuti bazi reUnited Nations iri rivaendese kune dzimwe nyika uko vaive netarisiro yekuzobatwa zvine chiremera.

Kune zvizvarwa zveZimbabwe zvinofungidzirwa kuti zvinosvika kana kupfuura mamiriyoni matatu, zvinogara muSA nekuda kwenyaya dzezvematongerwe enyika pamwe nemamiriro ehupfumi asina kumira zvakanaka.

Nyaya Ina Moreblessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG