Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatira Ura Mumaoko Apo Coronavirus Yabata Munhu muSouth Africa


Gurukota rinoona nezvehutano muSouth Africa, Dr Zweli Mkhize, vazivisa nhasi kuti pane mumwe murume ane makore makumi matatu nemasere abatwa nechirwere charura pasi rose checoronavirus.

Dr Mkize vati murume uyu anogara kuKwazulu Natal akashantira imwe nyika ine chirwere ichi yeItaly nevamwe vanhu gumi. Hurumende yeSouth Africa inoti yatanga kutevera vanhu vose vakambosvika pedyo naye.

Mutungamiri wenyika iyi VaCyril Ramaphosa vatiwo vari kutyira kuti izvi zvichakanganisa hupfumi vakavimbisa kubuda pachena nezvematanho avanenge vachitora kudzivirira chirwere ichi.

MuAfrica chirwere ichi chasvika muNigeria, Algeria neEgypt.

Mutungamiri weInternational Cross Border Traders Association, VaDenis Juru, vanoti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu pamuganhu weBeitbridge sezvo pachiratidzira kuti hapana gadziriro yakakwana uye vamwe vanodarika vasina kana magwaro zvinopa kuti vasadarike nepanoongororwa vanhu.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG