Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvisina mapepa Zvooneswa Ndondo kuBotswana


Zvizvara zveZimbabwe izvo zvinogara muBotswana zvisina mvumo zvinoti zvinhu hazvina kumirira zvakanaka nokuda kwekushungurudzwa nemapurisa pamwe nevanochengeta vasungwa pajeri reFrancistown Centre for Illegal Immigrants.

Vachitaura neStudio7 pamuganho weZimbabwe neBotswana weRamokgwebana border post, Muzvare Pretty Musonza vanoti vachatanga vafunga kaviri kuti vaende kuBotswana kunotsvaga mafuro manyoro.

Nokuda kwenzara iyo yapfunya chisero muZimbabwe, zvimwe zvizvarwa zvenyika zvinoenda kunopotera kuBotswana neSouth Africa uko zvinorarama nekungoita chamuka inyama.

Rumwe ruzhinji rwevana veZimbabwe muBotswana rwunorarama nekuita hwakitsi nagonzo nemapurisa enyika iyi sezvo zvisiri nyore kuwana mvumo yekugara nekushanda zviri pamutemo.

Mutauriri wemapurisa emuBotswana, VaDipheko Motube, vatenda kuti vanoomesera vanoshanda muBotswana zvisiri pamutemo sezvinotaurwa nemutemo wenyika yavo asi varamba nyaya yekuti vanovaonesa ndondo pamumuzinda unochengeterwa avo vanenge vakamirira kudzoserwa kumusha weFrancistown Centre for Illegal Immigrants.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinobva kuMasvingo, Amai Memory Musenganegavi vaudza Studio7 kuti vanonyimwa chikafu senzira yekuvapfidzisa kuti vakapindirei munyika iyi vasina magwaro.

Vachitsinhira mashoko aAmai Musenganegavi, chimwewo chizvarwa cheZimbabwe, Amai Martha Masuku vanoti vakapotsa vafirwa nemwana nokuda kwehutachiwana hwaainge abatira ari muhusungwa umo musina kushambidzika.

Sezvo ateya mariva murutswa asingachatye kusvipa mhapa, VaTendai Muchauraya vanoti nzara iri kumusha nokuda kwekushaikwa kwemabasa inopa kuti vangozvipira kuti vaende kuBotswana.

VaFumani Tekere, nyanzvi munyaya dzezvemutemo uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vaudza Studio7 kuti Botswana haisi kutevedzera hurongwa hwakabvumiranwa nenyika dzepasi rose mukuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu.

VaTekere vaenderera mberi vachiti zvizvarwa zveZimbabwe zvingakwidza nhunha dzazvo kumasangano akafanana neAmnesty International kana United Nations Human Rights Council.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG