Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvotaura nezveCoronavirus


VaCyril Ramaphosa

Mutungamiriri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa nemusi weSvondo vakatora matanho akaomarara mukuyedza kurwisa pamwe nekudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus chatekeshera pasi rose

Vanhu makumi matanhatu nevana vabatwa nechirwere ichi munyika iyi.

VaRamaphosa vakazivisa kuti South Africa kutanga nemusi weChitatu inenge yave kuvhara mimwe miganhu yayo uyo kurambidza kushanyira kana kutambira vanhu vari kubva kunyika dzabatwa nechirwere ichi dzinosanganisira Italy, Iran, South Korea, Iran, Spain, Germany, US, Britain ne China.

Zvikoro zviri kuvharwawo musi uyu uye vanhu vari kurambidzwa kuungana kusanganisirawo kumiswa kwemitambo.

MuSouth Africa mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kubatwa mumambure ezviri kuitwa kudzivirira chirwere ichi.

VaOffice Jaka, avo vanobva kuKwekwe, vanoti vane chivimbo chekuti South Africa ichakwanisa kupedza dambudziko iri kunyange hazvo riri basa guru.

Asi va Jaka vanoti varikunyanyo shungurudzika zvikuru, nevana vavo vaviri varikuita zvidzidzo zveElectrical Engineering kuChina.

VaEmmanuel Mboti vanotiwo kunyangwe hazvo zvaitwa naVaRamaphosa zvakanaka, vichakanganisa hupfumi hwenyika yavo.

Vaenderera mberi vachiti kumiswa kwemitambo kuchakanganisa kurarama kwevakawanda.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chechidiki, chinogara muSouth Africa, VaMunyaradzi Mukanyiwa, vanoti vanowirirana nemashoko ataurwa naVaMbote.

Nyaya Ina Moreblessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG