Hurumende yeBritain nemusi weChitatu iri kutarisirwa kumanikidza zvizvarwa zveZimbabwe makumi mashanu kudzokera kumusha zvimwe makumi mashanu zvichizotevera.
Izvi zvinotevera chibvumirano chakaitwa nenyika iyi nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika kuti vose vari kunzi vakapara mhosva kuBritain vasisakwanise kuramba vachikwikwidza kumatare.
Asi mutsamba iri mumaoko eStudio 7 yakanyorwa musi wa 30 Chikumi kubva kumuzinda weBritain muZimbabwe zviri pachena kuti vamwe vari kudzingwa ava vanogona kuiswa munjodzi yekutapurirwa chirwere cheCovid-19 sezvo vanenge varamba kuvhenekwa hutachiona uhu vachangobatanidzwa nevanenge vavhenekwa.
Hatina kukwanisa kubata mumiriri weBritain kuZimbabwe Amai Melanie Robinson kana gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFredrick Shava.
Hatina kukwanisawo kuwana mhinduro kubva kumunori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana panyaya yevamwe vari kuti vari kutyira hupenyu hwavo vakadzoserwa kuZimbabwe nekuda kwekuti vaiita zvematongerwo enyika.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch VaDewa Mavhinga vanoti zviri kuitwa zvekumanikidza vanhu kudzokera kumba munguva yeCovid-19 hazvina kukodzera.
Hurumende yemutungamiri wehurumende yeBritain VaBoris Johnson inoti inoda kudzinga zvizvarwa zveZimbabwe zana pamwedzi zvinenge zvichigara munyika iyi zvisiri pamutemo uye zvinenge zvaparawo mhosva munyika iyi.
Facebook Forum