Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri kuBotswana Zvoita Mushandirapamwe weKuvigana


Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda muBotswana zvinoti zvichashanda zvakasimba kuitira kuti zviwane mari inozoshandiswa mukuviga mumwe wazvo kumusha mushure mekunge afira muBotswana.

Donzvo iri rakasimbiswa nekuumbwa kwesangano rinonzi All Zimbos in Botswana muna Chivabvu gore rakapera.

Vanhu vari musangano iri, vazhinji vavo vari vashandi vemudzimba nevanorarama nechamuka inyama, vanobvisa mari inoita ma Pula makumi maviri pamwedzi nechinangwa chokuda kubatsirwa panguva yerufu.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano iri, Muzvare Pretty Ganyani, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvakaita hurongwa uhu kuitira kuti zvisave chiseko cheBotswana.

Mashoko aMuzvare Ganyani anotsinhirwa nasachigaro vesangano iri, VaJeophrey Manyika, avo vanoti hakuchina chizvarwa cheZimbabwe chichavigwa muBotswana.

Munyori mukuru wesangano iri, Amai Annah Makahamadze, vanoti mabasa abatwa nesangano iri munguva pfupi pfupi, anoyevedza.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaMorgan Shumba, vanoti sangano ravo riri kuburitsa pachena kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvanga zvichisina chiremera muupenyu nemurufu.

Imwe nhengo yesangano iri, VaDaniel Maida, avo vane makore makumi mana nematatu, vanoti sangano ravo riri kuzadzisa donzvo raro sezvo rakakwanisa kubatsira chimwe chizvarwa cheZimbabwe kuti chinovigwa kumusha mazuva mashoma apfuura.

Kuumbwa kwesangano iri kuchaita kuti huwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe zvinoradzikwa munyika iyi nehurumende yeBotswana hudzikire.

Botswana inoti mari inosvika mazana matatu ezviuru zvemaPula yanga ichishandiswa mukuvigwa kwezvizvarwa zveZimbabwe zvaifira munyika iyi pagore.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG