Zvizvarwa zveZimbabwe zviri mu Britain zvaratidzira neMugovera pamuzinda weZimbabwe uri muLondon zvichichema chema nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kumusha.
Varatidziri ava vanoti vatora mukana uyu kuti varatidze pasi rose kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe, iyo inonzi nehurumende yakatwasanudza maoko ayo kuvanhu vanoda kutanga mabhizinesi.
Hurumende yakadira mapurisa nemauto mumigwagwa zvichitevera kuratidzira kunotyisa kwakatanga neMuvhuro mushure mekunge sangano revashandi reZimbabwe Conress of Trade Unions, ZCTU, radaidzira kuti vanhu vasaende kumabasa kwemazuva matatu.
ZCTU inoti iri kunyunyuta nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu panguva iyo veruzhinji vari kutambira mari shoma zvikuru.
Vamwe vevaratidziri ava vanotiwo vari kuronga kuenda kuDavos, Switzerland kunoratidzira zvakare apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanenge vari mukumusangano we World Economic Forum svondo rinouya.
Pane hurongwa hwarongwa nezvizvarwa zveZimbabwe hwekunoratidzira pamuzinda weSwiterzland muLondon nemusi wa 24 Ndira.
Kuratidzira uku kunenge kwakanangana nehurumende yeSwitzerland kuti isatambire VaMnangagwa nepamusana pekuti hurumende yavo iri kutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuBritain, Amai Theresa Majoni, vanoti kuungana kwavaita vachiratidzira inzira yekuedza kutaura nezwi rimwe chete pamwe nekuzivisa masangano nenyika dzekunze kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuZimbabwe.
Amai Majoni vanoti vakatopihwa kare mvumo nenguva yekuti varatidzire pamuzinda weSwitzerland mu Britain uye kuDavos svondo rinouya.
Vanoti vari kutarisa vanhu vanosvika mazana maviri vachange vachiratidzira.
Facebook Forum