Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa ZveZimbabwe Zviri muAmerica Zvopinda muGoredzva Zvichiita Zvakasiyanasiyana.


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichipemberera Zororo regoredzva.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichipemberera Zororo regoredzva.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muAmerica zviri kumirira kupinda mugoredzva zvichiita zvakasiyana siyana. Vamwe vanoti vachange vari kumakereke, vamwewo vari pamabasa, ukuwo vamwe vachiti vari kupinda nemabiko ekunwa nekufara nehama neshamwari vachipemberera.

Murongi wezvemitambo nemimhanzi, DJ Tau anoti vakawanda vatotanga kutandara vari kune imwe nzvimbo yekutandarira iri kuGaithersburg kuMaryland, uko kwavari kusangana nezvimwe zvizvarwa zvedzimwe nyika vachipemberera nekufara.

Chimwewo chizvarwa che Zimbabwe chiri muRaleigh kuNorth Carolina, Muzvare Mamoe, kana kuti Patience Murozvi vechikwata cheFashion Police Zimbabwe, vanotiwo mugore ra2019 vari kuronga kuenda kumusha mushure memakore makumi maviri nemaviri. Vanoti vari kutarisira zvikuru kuzuva iri.

Vazhinji vanoti gore ra2018 rakanga rakavaomera sezvo vaibatsira hama neshamwari kumusha nemari nezvimwe zvekubatsira nazvo.

Vazhinji vari kunze kwenyika vanoti vanoshuvira zvikuru kuti dai vaikwanisa vangadai vakaenda kumusha kunotambira zororo reKisimusi negoredzva vari pamwechete nehama neshamwari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG