Accessibility links

Breaking News

Zviuru zveVanhu Zvounganira VaChamisa paMusika weMbare


VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa nemusi weMuvhuro vakaenda kuMbare Musika kunozvionera vega makwidzirwo akaitwa mari dzekufambisa nevemabhazi izvo zvinonzi neveruzhinji zvichaita kuti vatadze kuenda kumisha yavo kunoona hama neshamwari pazororo reKisimusi.

Vanhu vataura neStudio paMbare Musika vati kukwidzwa kwemari dzemabhazi kuchaita kuti vatadze kuenda kunoona hama neshamwari zvukurusei panguva ino yezororo.

VaChamisa vange vachipindawo mumabhazi vachitaura nevanhu. Izvi zvaita kuti paite chipitipiti vanhu vachimhadzina kuti vaone pamwe nekutaura naVaChamisa vamwe vakabva vatanga kuimba.

Mumwe wevanhu ava ndiAmai Winnet Parurai avo vanoti vatadza kuenda kumusha kwavo kuLutumba pedyo neBeit Bridge sezvo vemabhazi vakwidza mari dzavanobhadharisa vafambi.

Vamwe vakaita saVaJeremiah Rimbi vanobva kuChivhu vachishanda muno muHarare vanotiwo vatadza kuenda kumusha zvazopedzisira zvaita kuti vazongotumira vabereki vavo zvokudya pazororo rekisimusi.

Vamwe vatyairi vemabhazi varamba kutaura pamhepo vati chiri kukonzera kuti vakwidze mari dzvanobhadharisa vanhu pakufamba inyaya yekushayikwa kwedhiziri iro ravanoti varikutenga pamukoto sezvo risiri kuwanikwa nyore mumagaraji anotengesa mafuta.

Vamwe vevanhu ava vazosiyiwa nemabhazi vachiedza kuti vatevere VaChamisa mukufamba kwavanga vachiita pamusika apa.

VaChamisa vaudza vanhu vanodarika zviuru zviviri vanga vavaunganira kuti havasi kufara nekukwira kwemitengo yembhazi pamwe nekusamira zvakanaka kwehupfumi zvavati zvichaita kuti Kisimusi yegore ive isina zvainoreva kuvanhu vakawanda vachiti izvi zviri kukonzerwa nekutadza basa kwehurumende yaVaemmerson Mnangagwa.

VaChamisa vavimbisawo vanhu ava kuti vachave neKisumisi inodakadza gore rinouya kana vachinge vagadzirisa zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mumwe wevanhu vanga vachitsvaga chekufambisa kuenda kuzororo reKisimusi, VaHendricks Jongwe avo vati vanobva kuGokwe vati vafara zvikuru kuti VaChamisa vauya kuzoona matambudziko arikusangana neveruzhinji panguva ino yezororo.

Sangano reZimbabwe Passengers Transport Organization rinoti harisi kufara kuti hurumende yakangoripa dhiziri rinosvika marita zviuru makumi maviri nematanhatu pazororo rekisimusi pavhiki rose iro richiti rinoda zviuru mazana mashanu.

Hurumende yaVaMnangagwa inoti veruzhinji vanofanira kumbotiwirira kwemakore mashomanana ichiedza kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG