Accessibility links

Breaking News

Zvitima Zvingabatsire Here Dambudziko reKushaya Zvekufambisa Rogwadamisa Hupfumi?


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kukundikana kwehurumende kugadziria dambudziko rezvekufambisa kwave kukanganisa zvikuru hupfumi hwenyika.

Vashandi vari kunonoka kusvika kumabasa uye vachipinza hupenyu hwavo munjodzi sezvo paine mukana wekuti vanogona kutapurirwa chirwere cheCovid-19 nekuungana kwavanoita kwenguva yakareba vakamirira mabhazi.

Hurumende yakati National Railways of Zimbabwe iyo iri kutatarikawo ibatsire ZUPCO kutakura vanhu muHarare kutanga neMuvhuro isati yaita hurongwa humwechete kuBulawayo.

Asi vakawanda vanoti havaone zvichipedza dambudziko sezvo makambani maviri aya agara ari vanamarwei.

Gore rapera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaudza mapurisa kuti abvise makombi nedimwe motokari dzaitakura vanhu mumigwagwa vachivapomera mhosva yekukonzera nyonga nyonga mumadhorobha.

Vose vemakombi vakanzi vanyorese kuti vashande vari pasi peZUPCO. Asi avakawanda munyika vanoti zviri pachena kuti ZUPCO yaremerwa nemutoro.

Kambani yeZupco inoti inoda mabhazi zviuru zviviri kana kuti 2000 kuti munyika muve nezvekufambisa zvakakwana asi parizvino ine mabhazi mazana maviri nemakumi matanhatu nemaviri kana kuti 262 chete uye mamwe ese mabhazi ariko ndeemakambani mashoma akaenda pasi pechirongwa cheZupco.

Mutungamiri wesangano revashandirwi Doctor Israel Murefu vatenda kuti basa riri kudzokera kumashure nedambudziko rekushaya zvekufambisa sezvo vashandi vachinonoka kutanga basa uye kuneta nekutadza kuzorora.

Mashoko aya atsinhirwa nemukuru weAfrica CEO Round Table VaOswell Binha vatiwo vashandi vari kushanda nguva pfupi zvopa kuti kugadzira zvinhu kudhure.

Munyori mukuru musangano reZCTU VaJaphet Moyo vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka vachiti dambudziko iri rave nenguva uye ZUPCO yakundikana zvchose.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute vatiwo kusimudzira hupfumi kana vashandi vachipedza nguva yakawanda vakamirira mabhazi kunonetsa.

Ko dambudziko iri ringagadziriswe? Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vanoti hurumende inofanira kudzora vemakombi asi yovabhadharisa mutero.

VaMurefu vatiwo makambani ari kutakura ega vashandi ari kumbo varerutsira ndima asi vakati vanotarisira kuti zvitima zvichabatsirawo.

Pakugadzirisa dambudziko, VaBinha vawedzerawo vachiti hurumende inofanira kurega vamwe vane mabhazi vakazvimirira vachiita basa kusvika ZUPCO yave nemabhazi akakwana.

Nyaya yekutengwawo kwemabhazi eZUPCO aya nekambani yeLindela yechipangamazano chemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaKudakwashe Tagwirei haina kunyatsojeka zvakapa kuti vebepanhau reZimbabwe Independent riendese hurumende kumatare kuti iburitse magwaro ekutengwa kwemabhazi aya.

Kambani yeLindela inonzi iri kutenga bhazi rimwe chete kuChina nemadhora zviuru makumi mashanu nemasere zvine mazana mapfumbamwe kana kuti US$58, 900 asi yoritengesera ZUPCO nezviuru mazana maviri negumi nemaviri zvine mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemaviri kana kuti US$212, 962.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG