Accessibility links

Breaking News

Zvirongwa Zvekushandisa Mbozha Nhare Mukutumidzira Mari Zvopfumbira Munyika


Vanhu vakawanda vanoti vari kufara zvikuru pamwe nekurerukirwa kwavari kuita apo vari kushandisa mbozhanhare dzavo kutora mari kumabhanga. Chirongwa ichi chinonzi mobile money transfers. Kambani ye econet ndiyo ine mbozhanhare dziri kushandiswa pakutora mari kumabhanga.

Mamwe mabhangi anoti Kingdom Bank ane chirongwa chinonzi cell card, bhanga reZB bank rine e-wallet ne e-mali, Cabs ine e-textacash ne banga reFBC rine mobile moola.

Zvirongwa izvi zvinoshanda navana muzvinabhizimisi vemunzvimbo dzakasiyana siyana avo vanoshanda sema agents ekutora mari vakamirira mabhanga ne Econet.

Mumwe muongorori wenyaya dzehupfumi, uye vari chipangamazano mukambani ye Admiral Business Systems, vaPhillip Chichoni, vanoti zvirongwa izvi zviri kubatsira veruzhinji vasina mukana wekuvhura mabhuku ekubhangi.

XS
SM
MD
LG