Accessibility links

Breaking News

Zvipangamazano zveCOPAC Zvotenderana paNyaya yeKuendesa Masimba kuMatunhu


Komiti yavana chipangamazano muCOPAC, iyo iri kunyora bumbiro idzva remitemo, inoti yawirirana panyaya yekuendesa mamwe masimba ekutonga kumatunhu kunyange hazvo pachiri kutyirwa kuti vakaoma musoro muZanu-PF vachigona kukanganisa hurongwa uhu.

Vakaoma musoro ava vari kutsika madziro vachiti sarudzo dzinofanira kuitwa pasina bumbiro idzva remitemo sezvo vachityira kuti pakavandudzwa zvakawanda bato ravo rinogona kukundwa musarudzo.

Komiti huru inokokera mashandiro eCOPAC inonziwo yange yave pedyo kuwirirana panyaya yemasimba emuchuchusi mukuru wehurumende.

Asi nyaya yekuti poitwa sei pazvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, pakodzero yekuva zvizvarwa zvedzimwe nyika vasingarasikirwe nekodzero dzavo muZimbabwe, dual citizenship, haisati yatenderanwa.

Gurukota rinoona nezvemabasa eparamende nebumbiro remitemo, VaEric Matinenga, vanoti vari kutarisira kuti musangano wevese vane chekuita nebumbiro, All Stake Holders Conference, uchaitwa muna Kubvumbi, uye referendamu yozoitwa muna Gunyana.

COPAC inonzi yaumba chikwata chevanhu gumi nevaviri avo vari kusangana Pandari Lodge kunze kweHarare vachikwenenzera bumbiro idzva.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu-PF, vaudza Studio 7 kuti kwasara kuti mapato ezvematongerwo enyika ataure nezvekuendesa masimba kumatunhu vonyorerana pasi.

Mashoko aVaMangwana atsinhirwawo nemumwe wavo, VaDouglas Mwonzora veMDC-T, avo vati vane chivimbo kuti vachapeta hurongwa hwavo mukati memazuva gumi.

XS
SM
MD
LG