Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvoramba Zvakaita Manyama Amire neRongo muHarare


Zvinhu muHarare nhasi zvange zvakaita manyama amire nerongo vanhu vachiratidzira mushure mekunge mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivisa kuti mutengo wemafuta wainge wawedzerwa nezvikamu zvinodarika zana nemakumi mashanu nemusi weMugovera.

Chikopo kopo chemauto change chichitenderera nemuchadenga nhasi apo vamwe vanhu vafumobata jongwe muromo vachibva vavhara migwagwa nematombo uye kupisa matayi edzimotokari nezvimwe kudzivisa makombi nemabhazi kufamba.

Muzvimbo dzemuHarare zvikuru dzinogara vazhinji dzakaita seChitungwiza, Mabvuku neEpworth kwange kuine mhirizhonga inotyisa zvinhu zvichipawanywa nevanhu vange vachinyuyuta zvikuru nekukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari uye mitengo yezvinhu.

Vanhu vange vachiita hwakitsi nagonzo nemapurisa nemauto ange achiridza pfuti uye kukanda hutsi hunokatyidza. KuMabvuku chitoro che Choppies chapwanywa nekubiwa zvinhu. Zambuko reHunyani Bridge kuChitungwiza range rakavharwa. Chicken Inn yepa Makoni Shopping Centre neOK Supermarket zvapwanyawo.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions ndiro rakadaidzira kuratidzira uku kunyangwe hazvo hurumende iri kunongedzera mumwe kumasangano akazvimirira kusanganisa #tajamuka, #occupyafricaunitysquare, #thisflag, ZCTU, General Consensus, Citizen Manifesto neConcerned Agenda. PaWhite House kuKuwadzana kwapiswa bhazi.

Mumashoko kuvatori venhau, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati kuratidzira kunobvumidzwa mubumbiro remutemo asi vashora masangano aya nekwavanoti kumanikidza vanhu kuratidzira vachiti masangano aya ari kushanda nehurumende dzekunze mukukurudzira kuratidzira nekuda kupidigura hurumende.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rati magweta aro ari kubatsira vanhu gumi nevaviri vasungwa nemapurisa kuGoromonzi North. Sangano iri rinoti kune vamwe vanhu vari muchipatara mushure mekurohwa zvakaipirisa.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba kuti tinzwe divi ravo panyhaya iyi. Asi panhepfenyuro yeZBC Amai Charamba vati vose vari kukonzera mhirizhonga vachasungwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutori wenhau weStudio 7 Thomas Chiripasi akafambawo munzvimbo dzakasiyana siyana muHarare achiti zvinhu zvainge zvakaita manyama amire nerongo munzvimbo zhinji.

Hurukuro neMutori weNhau weStudio 7 Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG