Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvoita Manyama Amire Nerongo kuChipatara cheMplilo


Mpilo-Central-Hospital
Mpilo-Central-Hospital

Mukuru wechipatara cheMpilo abvuma kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka pachipatara ichi zvichitevera danho ravana chiremba vakuru munyika rekukanda mapadza pasi.

Mukuru wechipatara cheMpilo VaLeonard Mabande vati pana vana chiremba vadiki makumi mashanu nemumwe vadzingwa basa pachipatara ichi kusvika pari zvino.

Chipatara cheMpilo icho chinove ndicho chipatara chikuru chechipiri munyika china vanachiremba mazana maviri nevana uye VaMabande vati kudzingwa kwavana chiremba vadiki kuri kuita kuti zvinhu zviome.

Asi vati vari kuedza nepose pavanogona kuti vabatsire varwere vachiti vari kubatsirwawo nemadhokotera echiuto asi havana kukwanisa kutaura kuti vangani.

Vamwe varwere vange vachiuya kuzvikamu zvevanorapwa vachibva kumba zveOutpatients neCasualty vange vachidzorerwa kumba nekuda kwekushomeka kwavana chiremba.

Mumwe wevanhu vakadai ndiVaJohn Ndlovu avo vati vanonzwa musana asi vaudzwa kunzi vadzokere kumba nekuti pachipatara pange pasina vana chiremba. VaNdlovu vati shuviro yavo ndeyekuti hurumende igadzirise zvichemo zvavana chiremba.

Pachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals pange paine varwerewo vakawanda kuzvikamu zveOutpatients neCasualty uye vamwe vange vachidzokera kumba vasina kukwanisa kuonekwa navana chiremba. Hatina kukwanisa kutaura nemukuru wechipatara ichi Amai Nonhlanhla Ndlovu sezvo vanzi vange vari mumusangano.

Mumwe murume angozvidoma nezita rekuti Sithole ange aine mwana wake uyo ave nenguva achirwara. Ati nekuda kwekusave pabasa kwavana chiremba anomboenda nemwana wake uyu kuzvipatara zvakazvimirira asi ati haangakwanise kuita izvi nguva nenguva. Akurudzirawo kuti hurumende naana chiremba vataurirarane vanzwisisane.

Dr Tawanda Zvakada avo vakafanobata chigaro chemunyori weZimbabwe Hospital Doctors’ Association vanoti nhengo dzavo dziri kuti hadzisi kuzotsvaga basa kuhurumende zvekare sezviri kukurudzirwa nebazi rezvehutano.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG