Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvichiri Zvakaita Manyama Amire Nerongo muZvipatara


Mumwe murwere ari kuchipatara Parirenyatwa Group of Hospitals.
Mumwe murwere ari kuchipatara Parirenyatwa Group of Hospitals.

Kunyange hazvo hurumende iri kuti vanachiremba vakadzoka kumabasa, chokwadi chiri kubuda ndechekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende sezvo varwere vari kushaya vanovarapa.

Pakasvika Studio 7 pachipatara cheHarare Hospital neSvondo, varwere vaionekwa navanachiremba ndevaye vane zvirwere zvinoda kurapwa nechimbichimbi, zvikuru vanhu vanenge vawirwa netsaona dzakasiyanasiyana.

Baba Nyasha Chandaona mumwe vevarwere vakapiwa mubhedha nemusi weChishanu svondo rapera mushure mekunge varohwa nematsotsi kumugwagwa weBeatrice Road, pavaifamba vachienda kumba kwavo kuHopley.

Baba Chandaona vanoti vakatemwa nesimbi paguma vakatozoshevedzerwa amburenzi iyo yakanovasiya pachipatara ichi sezvo vakanga vakuvara zvakaipisisa.

Mumwe murwere wechidiki, VaFirst Chisora, avo vakaunzwa neamburenzi kubva kuKaroi muna Chikunguru gore rakapera, vanoti havasati vapedzwa kurapwa nechikonzero chekuti pane zvimwe zvinodiwa paoparesheni yavakaitwa padumbu ravo zvavasiri kukwanisa kuwana kuti vakwanise kuvharwa oparesheni yavo zvachose.

VaChisora vanoti havana kana hama yakambouya kuzovaona kubva musi wavakapinda muchipatara nekuti vabereki vavo vanhu vanotambura.

Studio 7 yakashanyirawo chipatara cheParirenyatwa nezuro wakare uko kwaiva nevarwere vashomanani kudarika vaive kuHarare Hospital, asi zvairatidza sokunge paiva pasina vanachiremba vaiva pabasa kuti vabatsire varwere ava.

Baba David Rugare vanogara kuZimre Park vakaratidza kusafara nemafambiro aiitwa basa pachipatara apa vachiti vaiva vaneta kumirira chiremba kuti aongorore chipfuva chavo sezvo vaitadza kufema zvakanaka.

Mumwe chiremba achangopedza zvidzidzo zvake, uyo akaramba kudomwa nezita rake, anoti hapana zvanyanya kushanduka paHarare Hospital sezvo varwere vari kuonekwa pachipatara ichi vari varwere vaya vanenge vaine zvirwere zvinoda kuongororwa nechimbichimbi kusanganisira vanenge vawirwa netsaona.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo kuti tinzwe mamiriro aita zvinhu pari zvino.

Asi mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano nekuchengetedzwa kwakanaka kwevana, Doctor Portia Manangazira, vanoti vanhu vari kuonekwa kuzvipatara zvikuru zvehurumende vaderera zvikuru.

Dr Manangazira vanoti zviri kuitika kuzvipatara zvehurumende ratove dambudziko guru zvokuti bazi rehutano riri kuedza kugadzirisa nyunyuto dzavanachiremba kuburikidza nehurukuro dzavari kuita nevamiriri vehurumende.

Mubati wehomwe musangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Doctors For Human Rights, Doctor Norman Matara, vanotsinhira mashoko akataurwa nachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo vari kuHarare Hospital vachiti ichokwadi kuti vanachiremba vepasi ava hapana zvavanokwanisa kuita pasina vanachiremba vakuru.

Dr Matara vanoti hurumende iri kupomerwa mhosva yokushaya han’ya nezvichemo zvavanachiremba izvo zvadzosera shure hurukuro dzekugadzirisa nyunyuto dzavo.

Vanoti chichemo chikuru chemadhokotera ndechekuti muzvipatara zvehurumende muve nemishonga yekurapa nayo varwere pamwe nemichina yakakosha yekushandisa kuitira kuti vanachiremba vaite basa ravo nemazvo.

Vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende vave nemwedzi mina vachiramwa mabasa, izvo zvasiya hupenyu hweveruzhinji huri parumananzombe.

Kudzamara hurumende yagadzirisa zviri kunetsa muzvipatara pamwe nekuwirirana navanachiremba vari kuramwa mabasa, vanhu vakawanda vacharamba vachirasikirwa nevadikani vavo nenzira dzinogona kudzivirwa nyore-nyore kana hurumende ikazvikapira nemwoyo wese kukoshesa nekuchengetedza hupenyu hweveruzhinji.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG