Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvange Zvapotera kuBotswana Zvodzoka neKushungurudzwa


Vapoteri gumi nevatanhatu vari kugara pakamba yeDukwi Refugee Camp, iyo iri makiromita zana kubva mudhorobha reFrancistown, kuBotswana, vanoti vari kudzokera kumusha sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muBotswana. Shingirai Madondo anotipa nyaya iyi.

Vapoteri ava vanoti vatora danho rekuti vadzokere kumusha nokuti hupenyu hwavari kurarama hwakafanana nekugara mujeri.

Sachigaro vekomiti inochengetedza kugara zvakanaka kwevapoteri pakamba yeDukwi Refugee Camp, uye vari chizvarwa cheZimbabwe, VaBekhimpilo Weza, vanoti ichokwadi kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri gumi nevatanhatu zvichaenda kumusha svondo rinouya nemusi weChishanu.

VaWeza vanoti vapoteri ava vakasarudza kunofira kumusha pane kuti vafire munyika isiri yavo nokuda kwenzara. Vanoti hurumende yeBotswana inorambidza vapoteri vari muBotswana kuti vashande.

Muzvare Irene Tambaoga, avo vane makore makumi mana nemaviri, vanoti vakaona zviri nani kuti vaende kumusha nekuti vari kufa nenzara muBotswana.

Vanotiwo United Nations High Commission for Refugees, UNHCR, iri kuvhara mahofisi ayo pakamba iyi, izvo zvichaita kuti hupenyu hwavo huome zvakanyanya.

Mumwe wevakatiza mhirizhonga yakaitika munyika mugore ra2008, VaMarshal Nkosi, vanoti hurumende yeBotswana iri kuomesera vapoteri veZimbabwe, kusanganisirawo vekune dzimwe nyika, nekuvarambidza kushanda zvisinei nekuti zvekudya zvavanopiwa zvishoma.

Mukuru weUNHCR muBotswana, VaAdrian Gupta, vaudza Studio7 parunhare kuti ichokwadi kuti vamwe vapoteri veZimbabwe vari kudzoserwa kumusha.

Vapoteri veZimbabwe vari muBotswana vazhinji vavo vatsigiri veMDC vakatiza muZimbabwe muna 2008 mushure memhirizhonga yakaitika musarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG