Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zvekuChina Zvopomerwa Mhosva Yekutyora Kodzero dzeVashandi muZimbabwe


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Emmerson Mnangagwa nemutungamiri wenyika yeChinaVaXi Jinping.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Emmerson Mnangagwa nemutungamiri wenyika yeChinaVaXi Jinping.

Mamwe makambani ezvizvarwa zveChina zviri muZimbabwe ari kupomerwa mhosva yekutyora mitemo yevashandi sezvo vasiri kuvarapisa kana vachinge vakuvara vari pabasa.

Vamwe vashandi ava vanosanganisirawo VaTobias Mleya vepakambani yeSouth Mining kuHwange vakagwinwa nemagetsi pakambani inochera marasha iyi. Asi vaudza Studio 7 kuti hapana chavati vabatsirwa nacho nekambani iyi. Hatina kukwanisa kubata vakuru vekambani iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Mumwe mushandi akatumira Whatsapp kuStudio 7 akati anonzi Collen anotiwo akadimburwa minwe ari pabasa asi haana rubatsiro rwaakawana kana chikafu chaicho kubva kukambani yaaishandira yezvimwe zvizvarwa zvekuChina zvekare.

Mukuru werimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu vanogara mune zviwanikwa nezvicherwa reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti pane nyaya dzevashandi vakawanda vari kutyorerwa kodzero dzavo nezvimwe zvizvarwa zvekuChina kusanganisira kupondwa asi hapana zviri kuitwa nehurumende kugadzirisa zvichemo zvevashandi.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabata gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima avo vanoti kana paine vashandi vanenge vakuvara vari pabasa vanofanira kumhan’ara kubazi ravo.

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG