Accessibility links

Breaking News

Manyoka Ovhiringa Vakawanda Vaichema VaMugabe kwaZvimba


Mugabe Zvimba funeral
Mugabe Zvimba funeral

Vanhu vanopfuura zana vakabatwa nechirwere chemanyoka mushure mukudya chikafu parufu rwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kwaZvimba.

Vazhinji vevanhu vakarwara nemanyoka vakarapwa pachipatara cheFather O’hea icho chiri pedyo nepamba paVaMugabe.

Mumwe akarwara nemanyoka ndiMuzvare Eliza Kasamba, avo vanoti vakarwara nemudumbu mushure mekunge vadza nyama yavanofungidzira kuti yakabikwa nesoda kuti ikurumidze kuibva.

Muzvare Kasamba vanoti vanhu vakanyanya kurwara vainge vari vechikuru.

Mukuru anoona nezvirwere zvekutapuriranwa mudunhu reMashonaland West, Doctor Gift Masocha, vanoti vanhu vanosvika makumi manomwe vakarapwa manyoka pachipatara cheFather O’hea mushure mekudya chikafu parufu rwaVaMugabe.

Dr Masocha vanoti vari kuongorora kuti chii chakakonzera kuti vanhu varware nemanyoka. Asi vanoti pari zvino vanhu vashoma vachiri kuuya kuchipatara vachirwara nemanyoka kuzorapwa.

Asi Studio 7 yakaverenga vanhu zana nemakumi maviri nemumwe vainge vari mumutsetse wekurapwa nevaitakurwa nemotokari kubva pamba paVaMugabe vachiendeswa kuchipatara cheFather O’hea.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG