Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zviri Kuda Kupinda muPSL Zvodzingwa neKushaya Mari


Zvikwata zvichangopinda muCastle Lager Premier Soccer League, Bulawayo City, Hwahwa neTenax zvatarisana nekudzingwa munhabvu yepamusoro-soro iyi nemhaka yekutadza kubhadhara mari yemutero yekuve mugungano iri.

Zvikwata izvi zvapihwa kusvika musi weChishanu svondo rino kuti zvibhadhare mari yakakwana yemaRTGS zviuru mazana maviri nezvisere zvemadhora $208 000 kana kuti zvobuda mumakwikwi aya.

VeBulawayo City neTenax vakabvisa chidimbu chemari iyi asi Hwahwa haina kubvisa kana sendi kunyangwe hazvo zvikwata izvi zviri kupomerwa mhosva inwechete.

Zvikwata zvitatu izvi zvakatenderwa kupinda mumusangano wePSL mukupera kwesvondo asi zvichingoita sevaongorori vasina chekutaura.

Musangano uyu ndiwo wakabuda nechisungo chekuti zvikwata izvi zvibhadhare mari iyi kana kuti zvibude mugungano iri musi weChishanu ukadarika zvisina kubvisa mari irikudiwa.

Cranbourne Bullets ndiyo yega pazvikwata zvakabva muDivisionOne yakabvisa mari yakakwana.

VePSL havasati vazivisa kuti makwikwi emwaka uno anotanga rinhi sezvo vasati vatambidzwa mari yemwaka uno neveDelta Beverages avo vanoita kuti mitambo itambwe.

Asi zvikwata zviri kugadzirira zvakasimba nemitambo yekuedzana masimba. Dynamos yakashanya kuBindura ndokunorova Black Rhinos 1-0.

Caps United iyo yakatenga vatambi makumi maviri nemumwe chete yakarova Simba Stars 1-0, zvimwechetezvo zvichiitwa neHighlanders iyo yakakunda Chapungu 2-1 nezvibodzwa zvakabva kunaMkhokeli Dube naPrince Dube.

Asi FC Platinum yakarohwa 5-4 nevavakidzani vavo veTriangle mumutambo wekutanga wemaSugar Sugar Boys kuongorora vatambi vatsva vavakatenga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG